Pwere Ingabvuma Kupinda Pabonde Here?

Kana tichitarisa zera rekuti munhu anobvuma nyaya dzepabonde, tinosangana negakava guru. Asika, zvakakosha kuti vanhu vange vachiziva kuti mutemo unoti kudii nenyaya iyi.


Mutemo unotara zera rinokwanisa kubvuma nyaya dzebonde muZimbabwe. Kubvuma nyaya dzepabonde kunogona kuitwa kana munhu achinge asvitsa makore 16 ekuberekwa.

Asi mutemo unoenderera mberi uchiti mwana ane makore 12 haagoni kubvuma zvepabonde zvisinei nekuti anenge abvuma nemuromo wake.

Bonde rose rinoitwa kumwana ane makore 12 zvichidzika rinotorwa sechibharo.

Izvi zvinoreva kuti vana vane makore ari pasi pe12 ne15 havana kodzero yekupinda munyaya dzepabonde vakazvimiririra zvisinei nekuti vanogona kunge vava kupinda pabonde asi pamwe pacho nyaya dzacho dzisingazotorwe sechibharo.

Kune zvinhu zviviri zvinotariswa maringe nenyaya dzekubvuma bonde, yekutanga inhau yechibharo apo yepiri iri yekupinda pabonde nevana vasati vabva zera inozivikanwa nekuti “statutory rape”. Munhu anogona kunzi abata chibharo kana pachinge paine umboo hwekuti bonde rakaitwa zvekumanikidzirwa.

Chibharo zvinoreva kupinda munyaya dzepabonde nemunhu wechidzimai zvichiitwa nemurume pasina kubvumirana.

Pavanhu vese vane makore 16 ekuberekwa, vanofanira kuva neumboo hwekuti nyaya yechibharo yakaitika.
Pwere Ingabvuma Kupinda Pabonde Here?
Zvisinei, pavanasikana vane makore ari pasi pe12, hapana kubvuma kwavanoita munyaya dzebonde nekuti ipwere dzisina zvadzinoziva — kubvuma kana kuramba.

Hazvinei nekuti bonde iri rakaitwa muri murudo nepwere inenge iri mhosva yakazvimiririra. Mwana ane makore 15 zvichidzika haakwanisi kubvuma bonde kana kuti atorwe sepfambi.

Kunyangwe achiita mabasa echipfambi, mwana anoramba ari mwana. Panotariswa zvakare zera ranyakubata chibharo kureva kuti kana nyakubata chibharo aine makore 12 uye nyakubatwa chibharo aine makore 12 panenge pasina nyaya dzechibharo kana vachinge vatenderena kuita izvi.

Kana mwanasikana ane makore 12 akabvuma nemuromo wake kuti ange achiita zvebonde nemurume ane makore 18 zvichienda mberi panenge paparwa mhosva yechibharo.


Izvi zvinosanganisira vakomana vane makore ari pasi pe14 vanenge vapara mhosva idzi vanosungwa zvakare nemhosva yechibharo.

Tave kupinda muchikamu chepiri apo tinokurukura nemhosva yekupinda pabonde nepwere. Mutemo unoti kupinda munyaya dzepabonde nemwamasikana ane makore 12 kana kudarika asi ari pasi pemakore 16 kana kumumbunyikidza nenzira dzepabonde imhosva.

Bumbiro remutemo rinoti munhu wese ane makore 18 zvichikwira anokwanisa kupinda munyaya dzewanano achiita mhuri yake.

Izvi zvinoreva kuti munhu ane makore 18 anokwanisa kubvuma bonde saka pachine mikaha pamutemo uyu. Nekune rumwe rutivi, mutemo wekubvuma bonde unoti zvakare pamakore 16 munhu anokwanisa kubvuma nyaya dzepabonde.

Mutemo uyu hauna kumira zvakanaka nekuti unokanganisa kodzero dzevana. Dare reConstitutional Court nguva yadarika apo raitonga nyaya yaMudzuru na- Tsopodzi vachipokana negurukuta rinoona nezvemutemo rakatura mutongo wekuti munhu ane makore 18 bedzi ndiye ane kodzero yekutanga kuita mhuri.

Bumbiro remutemo rinoti zvakare munhu ane makore anodarika 18 chete ndiye ane kodzero yekuita mhuri kureva kuti anokwanisa kuroora kana kuroorwa.

Kunyangwe vanhu vari munharaunda vanoshora zvikuru nyaya dzekupinda pabonde kwevasati vabva zera asi pachine mukaha mukuru panhau dzemutemo sezvo chimwe chikamu chekutemo chichitendera kuti vana vane makore 16 vange vachipinda munyaya dzepabonde.

Zvii zvatingabura kubva muhurukuro iyi?

a) Mwana ane makore 12 ekuberekwa haakwanisi kubvuma nyaya dzepabonde kana zvimwe zvine chekuita nebonde.

b) Mwana ane makore 12 ne15 anonzi anogona kubvuma nyaya dzebonde, inenge iri kumhosva kune anopinda naye pabonde.

c) Munhu ane makore 16 ekuberekwa anotenderwa kubvuma kupinda munyaya dzepabonde asi kana pasina umboo hwekuti anenge abvuma inotorwa semhosva yechibharo.

Kana paine zvamunoda kubvunza kana kuziva munogona kutibata padandemutande rinoti zwla@zwla.co.zw, kufona panhamba dzehotline dzinoti 0782 900 900 kana dzetoll-free 08080131.


Welcome To Oudney Patsika's Blog: Getting Your Message Heard in a Noisy World: In today’s media-driven, distracted culture, your message must be amplified to reach a larger audience.

Contact Us through the Chat with WhatsApp widget below.
Previous Post Next Post
avatar
Oudney Patsika Online
One of the primary goals of Oudney Patsika is to use media to change the cultural narrative. He aims to impact today’s culture with more accurate, responsible, and positive media stories about Christianity and the Church. Get In Touch Today!
WhatsApp Chat