MUPOROFIta wechikadzi weJohane Masowe yeNguwo Tsvuku yeNyenyedzi Nomwe, uyo anogara kuNational, kuMbare, ari kunamatira vanhu zvine musiyano – anoshandira vasina kupfeka achivakusha nemunyu nemvura vari pamhene.
Manenji aya ari kuitwa munjanji yakadziva padyo nemugwagwa waHobb s uyo unoenda kuchipatara cheHarare Central Hospital uchibva mumugwagwa waSimon Mazorodze padyo nekambani yeNatprint.
Muporofita uyu anoshandira vanhu ava vakashama zvisinei kuti varume here kana kuti vakadzi.
Kwayedza yakaenda ikanosora panjanji iyi iri kumadokero kwemugwagwa waSimon Mazorodze ikazvionera pamhuno sefodya vanhu vachishandirwa vakashama.
Madzimai Aqueline Maria Tetena (59) havana kuramba nyaya yekuti vanobatsira vanhu vakashama vachiti vanoita zvinenge zvarehwa “nemweya”.
“Varume vanobvisa mbatya dzekumusoro chete asi madzimai vanobvisa dzose nedzemukati vosungirira mazambia.
Hapana zvandingaite nekuti handina kwekushandira, panoponera vanhu vakawanda pano mufunge,” vakaudza vatori venhau.
Pavakasvikirwa neKwayedza svondo rapera panzvimbo iyi paiva nemadzimai matatu aibatsirwa, apo vaviri vavo vakatanga kupfeka mbatya vaona vatori venhau vachisvika pavari.
![]() |
| Vonamatirwa vari musvo |
Muporofita uyu, uyo anogara panhamba 35 muna Zata kuMbare, akati haakwanise kushandira vanhu kumba kwake nekuti anotandaniswa nemwanakomana wake nemuroora.
Madzimai Maria, avo vanobva kwaTandi, kwaRusape, vanoti vakabatwa nemweya wehun’anga vaine makore gumi okuberekwa ndokuzosiya zvekushopera nekufamba kwenguva vave kunamata.
“Ichokwadi ndinoshandira vanhu munjanji umu nekuti muroora wangu nemwana havadi kuti ndibatsirire vanhu kumba, vanondidzinga. Ndaimbova n’anga kare ndokuzotanga zvechiporofita izvi makore 20 akadarika,” vakadaro Madzimai Maria.
“Ndakatumwa kuti ndinunure vanhu kubva muminyama yakasiyana, hurwere nezvimwe izvo ndiri kuita vanhu vachipona. Ndinonamatira munhu panhare achipona ari mhiri kwemakungwa,” vakadaro.
Vakabvuma kuti vanobatsira vanhu vakashama sezvo vachizorwa munyu, maremani nekudirwa mvura muviri wose.
“Vamwe vanonyara asi vanozonditsvaga usiku vachida kubatsirwa uye kune vazhinji vanotenda vane makambani anenge abhuroka, kusaroorwa, kushandiswa nevamwe nezvimwe zvakawanda,” vakadaro.
Vanoti kumba kwavari kudzingwa yaiva imba yatete vavo vakashaya yavakasiirwa vakazoiisa muzita remwana wavo mukomana uyo pamwe chete nemudzimai wake vave kuvadzinga.
Kwayedza haina kukwanisa kutaura nemwanakomana wemuporofita uyu uyo anonzi ari kushungurudza amai vake,
Kudakwashe Matope, pamwe chete nemudzimai wake, Alice Matope.
Apo vakaudzwa kuti nyaya yekubvisisa vanhu hembe imhosva, Madzimai Maria vakati hapana zvavangaite nekuti ndiwo mashandiro avo.
“Zvino vanhu vacho ndingavakweshe nesauti kana kuvazora malemon vaine mbatya here? Hazvikwanisike,” vakadaro.
Vanoti zano rekuti vazoshandira panjanji apa vakaripihwa nemumwe mudzimai wavakabatsira mubhindauko rake rekutengesa iro raisafamba zvakanaka.
“Mudzimai akanditi ndiuye kuzoshandira apa anonzi Madzimai Sarudzai (Mutandadzi), aitambura zvikuru asi izvo ndamushandira zvinhu zvake zvave kutengwa haikona zvekutamba,” vakadaro.
Vanoti pakubatsira vanhu vanoshandisa zvinosanganisira munyu, maremani, mazai, matombo nemvura.
Zvakadaro, Madzimai Mutandadzi (48), avo vanotengesera zvinhu zvavo pedyo nenzvimbo iyi, vakabvuma kuti vakabatsirwa nemuporofita uyu zvikaita kuti bhizimusi ravo ribudirire.
“Ndaona dambudziko ravo amai ava apo vaiuya pandinotengesera vachiporofita vanhu, ndakazovapa zano rekushandira zvavo munjanji umu. Ini vakandibatsira, zvinhu zvangu zvinotengwa haikona zvekutamba,” vakadaro.
Mai Mirriam Masokovere (47) vekuNational kuMbare vakatenda muporofita uyu vachiti akavabastira zvikuru.
“Ndakapedza zvipatara ndichinzi ndine cancer, ndakauya pano neSvondo ndokukweshwa nesauti iyi nekuzorwa malemon vachinamata nekuitwa zvimwe ropa rakabva ramira iri. Zvekubviswa mbatya hazvina basa iwe munhu uchipona,” vakadaro Mai Masokovere.
Amai vavo, Mbuya Magarate Jojo, vanoti vanotaura zvakaipa pamusoro paMadzimai Maria igodo chete.
“Mbatya tinobvisa toga nekuti haukwanise kuzorwa malemon nekukwizwa nesauti wakapfeka, kana ipo paunokwizwa unozozunza sauti iyi kuti uwane mapfekero nemafambiro,” vakadaro Mbuya Jojo.
Mai Martina Marandu (43), avo vakawanikwa vari panjanji apa vakamirira kubatsirwa, vakati vakange vauya zvichitevera mbiri yavakanzwa yemudzimai uyu.
“Ndiri kurwara ndakatomirira kubatsirwa uye ndakaunzwa kuno nemukoma wangu, Sarudzai. Kumusha kwedu ndekwaChirumhanzu asi iye zvino ndinogara kuNational, kuMbare,” vakadaro Mai Marandu.
Zvakadaro, VaGeorge Kandiyero, avo vakafanobata chigaro chemukuru wesangano reZinatha, vanoti murapi anofanirwa kuitira basa rake pakavandika kwete kubvisisa vanhu mbatya pamhene.
Common Questions and Popular Searches
Explore Answers To Frequent Questions And Discover Resources For Your Solar Journey:
1.5kVA Systems
Powers Lights, WiFi, and TV.
3.5kVA Systems
Powers Fridge and essentials.
5kVA+ Systems
Powers entire Homes and Pumps.
Best Solar Inverters
Must, Growtech, Codi and Other Brands
Borehole Drilling
Drilling and Solar Pump Services.
Best Lithium Batteries
Affordable Solar Batteries in Zimbabwe.
Welcome to Oudney Patsika's Website. Oudney Patsika is an award-winning Business Growth Consultant dedicated to helping you build a truly hyper-profitable business. Our mission is to provide in-depth, well-researched insights and strategies that go beyond the surface, enabling you to efficiently systemize operations, fully optimize resources, and scale your enterprise for significant growth.
Learn how to achieve these monumental results without working harder or spending unnecessary extra capital. Discover and implement strategic growth solutions that empower your business for maximum expansion. Unlock your business's full, untapped potential today.
Welcome to Oudney Patsika’s Blog: Getting Your Message Heard in a Noisy World. In today’s fast-paced, media-driven culture, your ideas and messages must be amplified to stand out and reach a larger audience. Oudney shares actionable insights and strategies designed to help communicators, entrepreneurs, and leaders make their voices heard, engage effectively, and influence their target communities.
Discover how to craft and deliver compelling content that resonates, cuts through distractions, and drives meaningful engagement. Learn to communicate your message powerfully and achieve measurable impact in your field.
