Zvipoko zvinouya zvakabereka gidi

MURUME wekuChiurwi, kuBuhera, uyo agere pedyo nenzvimbo yaimbova assembly point, anoti aoneswa ndondo nekurohwa nezvipoko zvaanoona zvakapakatira pfuti.
Sekuru Majutasi Zikumva Musora (90), avo vanogara nemudzimai wavo, Junica Musora Mavhiki (82), mubhuku raMakuvise, vanoti vaoneswa moto nezvipoko izvi.

Harahwa iyi inoti yava nenguva refu ichirohwa nezvinhu zvinotyisa izvi.

Vakaudza Kwayedza nguva ichangodarika kuti: “Handizive kuti zvine chekuita here nekuti ndigere pedyo nechikomo cheChiurwi apo pakasvikira vaiva varwi vehondo vachibva kuMozambique. Zvipoko izvi zvinouya usiku kubva kuma11 kusvika kunze kwave kunoedza – kuma3 kana kuma 4 – zviine pfuti, zvobva zvasvikonanga pandiri.

“Zvinondimutsa zvichisiya mudzimai wangu arere, zvonditi ndirare pasi. Zvinondirova kusvikira ndadhudha.”

Sekuru ava vanoti chinonetsa ndechekuti zvipoko izvi zvinovashevedza nezita ravo chairo, ivo vachitodavira vachifunga kuti vanhu kwavo.

“Izvozvi zvakambomira kundirova, chipo chemwedzi zvisina kuuya. Asi pazvakagumisira kuuya ndakarohwa zvekusvika pakuda kuuraiwa,” vakadaro.

Vanoti pazvinopedza kuvarova zvinobva zvatsakatika.
Zvipoko zvinouya zvakabereka gidi
Kuburikidza nekurohwa uko, Sekuru Zikumvu vanoti vakamboenda kukiriniki yeChimbudzi nekuchipatara cheMurambinda kunorapwa.

VaZikumva vanoti ivo vaimbova musoja wehurumende yevachena, yaIan Smith kare.

“Ndaiva musoja muhurumende yevachena, handizive kuti kurwisana here uku kana tichiti mweya yevaiva varwi vehondo,” vakadaro.


Mudzimai wavo, Mai Junica Musora, vanoti zvinonzi zvipoko izvi vanozvionawo.

“Ini handigone kuti zvipoko nekuti zvinouya vari vanhu chaivo, tichivaona nemaziso edu vari 4 uye vaine pfuti dzavo.

Vanofamba vakaita mudungwe pavanosvika uye pavakagumisira kuuya kwaiva kumakuseni, kuma 4 ndokutimutsa tikagariswa pamusuwo wekicheni apo vose vakatanga kurova baba. Vakazobva ndokuenda vakadungamidzana,” vakadaro.

Vaviri ava vanoti vanogara voga pamusha pavo sezvo pavana vavo vatatu, vamwe vari kumabasa uye vamwe vakaroorwa.

Pachikoro cheChiurwi puraimari nesekondari panonzi panomboitikawo minana apo vanhu vanonzwa mazwi evanhu vasingaonekwe.

Vanofamba husiku sezvidhakwa zvinenge zvichibva panzvimbo yemabhizimisi yeSostein vanonzi vanombosangana nezvinhu zvinenge vanhu zvinenge zvakabereka magidi.

VaTichaona Mugari Mufadza naVaDzingai Marandu, avo vanogara munzvimbo iyi, vanoti dambudziko iri rinofanira kugadziriswa pachivanhu.

VaRaphael Muzondo (53), avo vanoti vaive murwi wehondo yerusununguko, vakatsinhira mashoko aya vachiti dambudziko iri rinoda kugarirwa pasi nemadzishe pamwe nemasvikiro edunhu iri kobikwa doro rekudzikamisa mweya uyu.

Sadunhu Makuvise, VaMathius Makuvise (39), vakatsinhira dambudziko revanhu vanonzi vari kurohwa nezvipoko.

“Pose pavanorohwa VaZikumva, mudzimai wavo anofumira kumba kwangu kuzotaura zviitiko izvi. Nyaya yekuti vakaenda kukiriniki nekuchipatara ichokwadi, tisu vemusha takatotsvaga mari yekuti vanorapwa varohwa. Havasi vanhu vapenyu, vanhu vakafa ava vari kunetsa,” vakadaro.

Sadunhu ava mumwe wevanhu vakambovhiringidzwa nezvinonzi zvipoko izvi.

“Ini ndakambochengeta booster reNetOne riri mugomo reChiurwi, pakati pehusiku ndakaona munhu aiva nepfuti achiuya kwandiri akandinanga, ndakatanga kutiza ndichitenderera booster iri kusvikira munhu uyu akazongonyangarika,” vakadaro VaMakuvise.

Welcome to Oudney Patsika's Website. Oudney Patsika is an award-winning Business Growth Consultant dedicated to helping you build a truly hyper-profitable business. Our mission is to provide in-depth, well-researched insights and strategies that go beyond the surface, enabling you to efficiently systemize operations, fully optimize resources, and scale your enterprise for significant growth.

Learn how to achieve these monumental results without working harder or spending unnecessary extra capital. Discover and implement strategic growth solutions that empower your business for maximum expansion. Unlock your business's full, untapped potential today.

Oudney Patsika Profile

Oudney Patsika – Shaping Brands and Minds

Business Growth & Market Strategist Corporate Identity & Brand Architect Digital Transformation & SEO Specialist Renewable Energy Brand Specialist

Oudney Patsika is a Zimbabwean entrepreneur, award-winning Business Growth Architect, and renewable energy leader. He plays a strategic role in shaping editorial direction, digital growth, and brand architecture across leading business, media, and renewable energy platforms in Zimbabwe, including Brand Digest Zimbabwe (Trusted Brands in Zimbabwe) and Polaris SuperBrands Zimbabwe (Top Brands) and many more.

Editorial Strategist at Sona Headlines | Chief Digital Officer at Solar Reviews Zimbabwe | Marketing and Strategy at Sona Solar Zimbabwe.

Tech-Driven Marketing Consultant Localized Social Media Strategist

Beyond the solar sector, Oudney Patsika is the Founder of Leaders Mandate and Pastors Toolbox. He is widely recognized for engineering hyper-profitable businesses through strategic consulting and high-impact proprietary growth systems.

A respected thought leader, he regularly publishes insights on business strategy and leadership. He frequently speaks at industry conferences, championing a smarter and more prosperous future for Zimbabwe and Africa.

Amplifying Your Message via Mhepo News: In today’s oversaturated, media-driven landscape, ideas require strategic amplification to survive. Oudney Patsika provides actionable frameworks designed to help entrepreneurs cut through the noise, dominate their digital footprint, and exert meaningful influence within their target communities.

Dream Interpretation

Unlocking Visions...
Previous Post Next Post
Chat With An Expert:
WhatsApp David (Sales) WhatsApp Yeukai (Sales) WhatsApp Shanise (Sales) WhatsApp Kuda (Borehole) WhatsApp Misheck (Technician)
Chat With Sales