Zita ndonzi Kelvin Ram and this is my testimony.

Zita ndonzi Kelvin Ram. This is my testimony. Ndakati nerimwe zuva ndakagara zvangu mumba mukadzi nemwana vainge vamboshanya. Pamba pakauya matsotsi . Ndakazonzwa window kupanywa. Ndikaona munhu achipinda nepahwindo. Ndakatanga kutsvaga weapon rekuti ndimurove naro asi ndakashaya. akatanga kundimanyisa ndokubva ndatizira muKitchen. Ndakatarisana naye face to face . akandidzvanya huro. Ndakasvinura ndokuona akabata banga.

Akatanga kundibaya baya nebanga kumusana, kugotsi, nepahuro. Chaakataura kwandiri kundibvunza kuti mari nema keys zviripi. Ipapo ndainge ndotoona rufu mumaziso. Ndakamupindura ndikati watondiuraya kare ingopedzisa hako. Akandikandi baya nechepadumbu ndokubva andikanda pasi. Ndinorangarira ndakaisa musoro wangu paFloor yaitonhora . Ndakavhara maziso angu ndamirira kufa.

Ndiri pasi kudaro ndakatanga kunamatira mhuri yangu ndakatanga kunamatira mukadzi wangu kuti Mwari dai mamupa simba rekuzochengeta mhuri. Ndokunamatira Noah kuti dai akura achiziva Mwari chinova icho chinhu chikuru. Ndiri pakati pekunamatira Noah kudaro ndakangoita sekunzwa inzwi raitai hausi kuzofa. Kubva ipapo ndakatanga kuita simba randisingazivi kuti rakabva nepi. Ndakazokwanisa kusimuka ndakabata padumbu sezvo ndaiye ndabaiwa nebanga. Ndakakwanisa kugwesha ndichibuda panze. Apo pandakazoonekwa nevawakidzani vachizondimanyisa kuHospital.
Zita ndonzi Kelvin Ram and his is my testimony.
Ndichisvika kuHospital hapana kana anga aine tarisiro yekuti ndaizopona. Banga rainge randibaya about 20 times. Ndainge nemavanga muviri wese. Mukadzi akazofonerwa ndokuuya, asi zvakamushamisa.

Chandakaona pakupona kwangu ita was a miracle ndichitarisa kubaiwa kwandakange ndaitwa. Chandakadzidza ndechekuti kana uchinamata hazvireve kuti mumatambudziko haupindi. Unopinda asi Mwari anokurwira uri mumatambudziko iyayo. Bible rinoti sata akauya kuzouraya nekupara asi Jesu akauya kuzopa hupenyu. Hapana zuva rinopfuura ndisingatende Mwari nekuda kwehupenyu. Ndichirara ndichimuka ndinongo tenda kuti Mwari maita henyu nehupenyu. Kune vamwe vanorarama chero ndararama vasingaone kuti inyasha dzaMwari kurarama. Munhu ngaaone kubata kwaMwari kwete kuda kuzoona kubata kwaMwari wapinda mudambudziko....


Welcome To Oudney Patsika's Blog: Getting Your Message Heard in a Noisy World: In today’s media-driven, distracted culture, your message must be amplified to reach a larger audience.

Contact Us through the Chat with WhatsApp widget below.
Previous Post Next Post
avatar
Oudney Patsika Online
One of the primary goals of Oudney Patsika is to use media to change the cultural narrative. He aims to impact today’s culture with more accurate, responsible, and positive media stories about Christianity and the Church. Get In Touch Today!
WhatsApp Chat