Murimi neDongi: A very important lesson!

Umwewo murimi aiva nedhongi rake. Zvakaitika nerimwe zuva kuti dhongi rakawira mumugodhi. Mugodhi wainge wakadzika. Saka murimi akafunga kuti obudutsa sei dhongi rake .Ndokubva apererwa nezano. Sezvo dhongi rainge rachembera zvekuda kufa uye zvekare mugodhi wacho wakange usisina mvura. Murimi akafunga kufushira dhongi riya mumugodhi. Akanodaidza vavakidzani vake kuti vauye kuzomubatsira kufushira mugodhi. Vakauya nemafoshoro ndokutanga kufushira mugodhi.

Dhongi richiona kudai rikati zano nderipi, ndingafira muno. Saka raiti vanhu pavaikanda mavhu nematombo raibva rakwira pamusoro pazvo. Matombo nemavhu zvairamba zvichiiswa asi dhongi rairamba richingokwira pamusoro pemavhu nematombo iyayo. Mugodhi wakati woda kuzara. Vanhu ndokumbo mira sezvo vaisaona zviri mumugodhi nekuda kwehuruva yaibva mumavhu. Pavakamira vakashamisika kuona dhongi rakubuditsa musoro nepamuromo wemugogodhi. Dhongi ndokubva rakwanisa kubuda zvaro ndokurarama.
Murimi neDongi: A very important lesson!
Chinyatsakuterera kudenga chete ndiko kusina matambudziko saka kana uri pano pasi chete matambudziko tinotosangana nawo usingadi uchida. Matambudziko anosiyana siyana vamwe vano firwa nevanhu vavanodisa, vamwe vanorambwa, vamwe vanorwara kana kurwarirwa, vamwe vanotambura mari ichiramba kukwana asi chandinoda kuti uzive ndeche kuti shandisa chese chakaipa chinouya kwauri semukana wekuzvisimudzira kuenda pane chimwe chidano. Mamwe matambudziko aunopindana nawo atore sechidzidzo chehupenyu hwako. Usati kana matambudziko awanda wobva watozorora zvako uri mumatambudziko imomo asi ndiri kuti nhasi uno tsika pamusoro pematambudziko uende mberi. Ukagara mudambudziko newewo unobva waitawo dambudziko zvakare.

Rega vanotuka nekushora vashore asi iwewe tora mukana iwoyo wekudzidza vanhu kuti anokuda neasingakude ndeupi. Usavenge munhu nekuti akuitira chakaipa asi mutende nekuti akuratidza zvaari.


Welcome To Oudney Patsika's Blog: Getting Your Message Heard in a Noisy World: In today’s media-driven, distracted culture, your message must be amplified to reach a larger audience.

Contact Us through the Chat with WhatsApp widget below.
Previous Post Next Post
avatar
Oudney Patsika Online
One of the primary goals of Oudney Patsika is to use media to change the cultural narrative. He aims to impact today’s culture with more accurate, responsible, and positive media stories about Christianity and the Church. Get In Touch Today!
WhatsApp Chat