Kusimbisa Mazamu - All Women Read This!

Munhukadzi gara uchizivawo kuti mazamu ako anotariswa nevarume kakawanda pazuva. Murume akaona munhukadzi anotarisa pameso, otarisa pamazamu, otarisa magaro ozopedzisira nokutarisa makumbo. 

Adaro oenda hake kwaanoenda atozviudza kuti mukadzi waatarisa akanaka here kana kuti akashata. Murume wako anokutarisa zuva nezuva sezvaanoita vamwe vakadzi vemuraini.

Zvino kana iwe uri munhu wechidiki toti unemakore ari pasi pe 45, (ndiri kuti 45 nokuti munhukadzi wekuAfrica anokwanisa kuita mwana kusvika makore awa) zvinoreva kuti muupenyu hwako uchineshungu dzokuonekwa uri munhu anoyevedza kutarisa. Mazamu anoonekwa kufuta pachifuva chero mutarisi ari kure kure. Anobva atoziiva kuti uri munhukadzi, chero usina kupfeka dhirezi musi uyu. Saka mazamu ndiyo IDENTITY yedu isu vakadzi nokuti hatizi tese tine vhudzi rakareba uye vamwe havapfeki dhuku mazuvano.

Mazuvano kune mapfekero okuti mazamu aite sokubudirira asi chinonetsa ndechokuti ukajaira kudaro unopedzisira wava kuonekwa nevamwe vanhu somunhu ane mazamu akanaka asi murume wako anokuona usina hembhe anoziva kuti mazamu ako haana kudaro. Panoo tinoda kuhwisisana panyaya yezvinoonekwa nomurume wako wemumba. Ndiye munhu akakosha kuvarume vese nokuti achakuona muviri wako upenyu hwako hwese.
Kusimbisa Mazamu
Chokutanga kuziva ndechokuti munhukadzi ngaasaita mazamu akarembera somuswe wemombe. Mazamu ngaaite kumira akatarisa mberi seemhandara, minyatso yakatarisa mberi. Chinonetsa kudaro ndechokuti mazamu ane basa rakawanda rinoti:
- Kumwisa mwana mukaka
- Kupa muridzi runako nokunyemudza vanoda kunyenga
- Kupa muridzi Balance pakufamba
- Kupa muridzi zemo kana awanikwa nomurume
- Kutonhodza hana yemurume pakuvatana

Pakumwisa mwana apa ndipo paanoremegwa nomukaka obva atanga kurembera otarisa pasi. Kune vamwe vanomwisa mwana gore rese saka mukaka unenge uchirema urimo. Hazvina kuipa kumwisa mwana hazvo. Ona kuti mazamu haana kugara akaremegwa nomukaka wemwana. Kana mukaka wakawandisa pota uchizvikama uchitapudza. Chero mwana achiwana wakakwana. Kuno unokwanisa kunopa zvinherera zvokuhosipitari mukaka. Ndofunga kunyika dzakawanda vanodaro chero munhu wacho anouya nawo asina zvigwere. Kana wapedza kumwisa mwana chizamawo kugadziridza mazamu ako.

Saka pano ndoda kumbotaura nezvokuchengetedza mazamu nemamirire awo pachifuva chako. Chokutanga ndechokuti munhukadzi wese wese anohwisisa zviitiko zvepanyika pano anozama kugara anoutano hwakakwana mumba make. Ukatanga kugwara ukaita nguva yakareba uchigwara, watoisa mhuri yese padambudziko guru. Mai vemba munhu akakosha ane mabasa akawanda asingakwanisiki kuitwa noumwe munhu. Saka chokutanga kuziva kuchengetedza utano hwemuviri wese.

Kana ukakoresa ukaita chidumbuzenene, mazamu anonovata pamusoro pechidumbuzenene chako ichocho semabwe ari paruware gwemutserendende. Hapana chinoonekwa nevarume chichiyevedza ipapo. Kana murume wako wemumba haawani chakanaka ipapo. Ndipo paunozoona kuti mukadzi mukuru anotanga adzima rambhi ozobvisa hembhe kuti murume wake asaona muviri wake.

Munhu akakoresa unoona kana mafambire ake kuita sedhadha roda kudzidza kubhururuka, uku maoko akasimudzwa nemafuta emuviri. Unomuhwa kufemereka ari kure kure uko. Ukagara pedo naye muchitima anenge achingobudisa mweya vanhu vachinhuwigwa. Chifunga murume wake anoita 8 hours pazuva naye. Anodii naye?

Kana ukaondesa, mazamu anosvava kuita semufushwa wemadindindi. Chero murume anga achikudawo sei panosvika pamwe pekuti anotadza kuhwisisa kuti munhu aita sei.

Vanhukadzi ngatidzidze kuona BMI yedu kuti iri papi. Kana yapfuura 25 kana kuti iri pasi pe 18, ziva kuti yaipa. Kana mimba chaiyo unokwanisa kushipika kuibata nokuda kwekukoresa kana kuondesa.

Kana muviri wakanaka utano, mazamu anoonekwa akatsetseka ganda rawo uye. Chinongozodiwapo kuti agwinyirire.

Zvinogwinyisa mazamu:

1 Kudhidha: Kudhidha chinhu chinokasirisa kugwinyisa mazamu asi asingaiti semasuru yemurume. Anongoita iya inonzi TONING zvisinei nezera rako. Chero wava munhu mukuru zvinoita. Vakawanda veduu havagarii pane madhidho saka zvinokwanisika kuvashomanana.

2. Kusundda madziro: Bvisa hembhe, womira pedo nomudhuri mumba (70 cm or so) wobata madziro wotanga kusunda sokuti uri kuda kusunda zvokuwisa. Ita 20 seconds uchisunda, wombomira wozunza zunza maoko. 10 seconds, wotangazve kusunda. Ramba uchidaro kusvika zvotanga kugwadza. Chirega wozoitazve imwe nguva. Ita izvi kaviri pazuva. Hazvitori nguva.

3 Simuka womira wakati twii, makumbo akaparadzana zvishoma. Wadaro chizama kuti magokora ako abatane kumusana. Usaita zvokumhanya mhanya. Ita zvishoma kusvika wasvika paunogonera iwe. Ukahwa zvogwadzirira chidzoka kuno mberi. Wombomira 5 seconds, woitazve. Unofanira kuita kagumi mangwanani, kagumi manheri mazuva okutanga. Pota uchiwedzera kusvika pazvinotanga kugwadzirira.
4. Vhura ruoko gwerudyi. Woguisa pachifuva gwakavhirika zvokutii kana umwe munhu achida kukupa chinhu anokwanisa kuchiisa muruoko gwako. Wadaro chivhira gweruboshwewoguisa pane gwerudyi. Chitanga kusundanidza maoko Tanga kusunda, woverenga kusvika ku15, wombomira wverenga kusvika ku10, wotangazve kusvika waita ka 10. Wombomira wozoitazve manheru. Kaviri pazuva.

5. Chimwezve chinoitisa mazamu aoneke sokuti akanaka, mafambire ako. Kukubatsira kuwana mafambire akanaka, tora chimwe chinhu chinorema sokuti mugomo wemvura kana kuti chimwe chinhu chokudengezera. Ukaona munhu mukobvu, mutate, akadengezera chinhu, ukaona mafambire ake, ukamuongora, ukahwisisa kuti ndiwo mafambiire aunofanira kuita nguva dzese, unenge wahwisisa muviri wako zvese nemazamu.

Pakupedzisa

Vakadzi hatifambi mafambire echirume. Varume vanongofamba vakarengenyeka. Isu tinofamba mafambire edu akasiyana. Kusiyana kwawo ndikoko kwekuti famba somunhu akadengezera chimwe chinhu.

Jaira kumbofamba wakadengezera chimwe chinhu. Wadaro chifunga mafambire aunoita wakadengezera chinhu ichi. Ndiwo mafambire aunofanira kuita kana uchingofambawo zvako. Uchaona kuti chifuva chinenge chakabudirira, magaro ane BALANCE, Mafudzi akamirawo zvakanaka.

Hwisisa basa remazamu pamunhukadzi. Simbisa mazamu agare ari iwo anotaura murumo usati wataura. Ukatarisa panosangana mukadzi ane mazamu akati twii nomurume ari kutsvaka, uchaona kuti murume uyu anozoona kumeso kwemukadzi aona mazamu kare, uye anoita nguva asingazivi zvokutaura, fungwa iri pamazamu chete. Ndosaka isu tine varume mudzimba tichikurudzigwa kusataridza mazamu kana tiri pane vanhu.

Iwe wega ukaona wasvika pakuti murume wako akaona mazamu ako asina kupfekedzwa anoita zemo, ziva kuti uri kuita maexercise andanyora awa zvakanaka. Chirega kuonekwa nevamwe varume mazamu. Murume wemumba munhu sevamwe varume. Gara wakamufungira zvingamufadza. Hakuna mukadzi asingadiwo kuhi akanaka nomurume wake saka ngatitarise nyaya iyi isinganetsi kuwedzeredza pairi.

Hakuna mushonga wekusimbisa mazamu unopfuura uyu.

Famba wakadengezera chinhu chausina kudengezera. Kwedu ku Africa vakadzi tine magaro nemazamu makuru. Zvinoreva kuti kana orembera anonyatsorembera. Chengetedza muviri wako. KUKORA handiko kuratidza utano. Unoita BP ne Diabetes ne Heart Condition, uye unokasira kurega kuvata nomurume. Vanhu vane utano vanovatana kupfuura makore 65 ekuberekwa.

Varume:

Varumewo taridzai vakadzi venyu kuti kuva munhu ane BMI yakanaka chinhu chakakosha. Isu basa redu nderokufidha varume vedu. Tinokura tichidzidziswa kuti ukafidha murume zvakanaka anokuda zvakawedzera. Asi pamwe tisu tinouraya varume vedu nokuvakodza semombe dzemafidha. Varume hwisisai kuti pane CONFLICT OF INTEREST ipapa. Chisimuka uitewo zvokusimbisa muviri.. Murume ane zidumbu bodo veduwe. Itawo murume akagwinya anotaridza utano. 95 kg yakawandisa pamunhu umwe chete.

BMI For Adults

Tarisa Chart re BMI iri wotarisa panosangana Weight yako ne Height yako. Kana BMI yako yakapfuura pa 25 kana kuti iri pasi pe 17, unofanira kukasira kuichinja idzokere pakati penhambha mbiri idzi. Kana murume/mukadzi wako achifarira kuti unge uri kuzhe kwenhambha idzi, ari kuda kuti ukasire kufa agowana umwe.

Zvimwezve panyaya iyi.

Whisisazve kuti kune varume vasingadi mukadzi akanyanyonaka, kwahi anozonyengwa nevamwe varume. Kana une murume akadai, uchaonazve kuti haadi kuti upfeke madhirezi akanaka. Ukatarisa varume vakaita sevakatanga chipositori, vaiva nefungwa dzakadai asi ivo vari reza chaidzo pakuda kuhura, vobva vazvipa mukana wekuhura pasina anobvunza nokuudza vanhu kuti murume anokwanisa kuita vakadzi vakawanda. Uhwu ugino hwe zvinoitika panyaya yokuvatana pakati pemukadzi nomurume.

Mukadzi anokwanisa kuiswa kana kagumi kana kupfuura pazuva. Murume ndiye ane dambudziko rokuti haakwanisi kungoramba achingomira chombo zuva rese. Mahure anokwanisa kuiswa nevarume vakawandisa pazuva rimwe chete. Izvi zvinoreva kuti kana mada zvokuwanza vanhu vokuvata navo, mukadzi ndiye anofanira kuva nevarume vaviri kana vatatu. murume hazvina zvazvinomubatsira kuita vakadzi vaviri panyaya yokuvatana nokuti haakwanisi kugutsa iyeye umwe chete.

Kana une murume anoda vakadzi vakawanda ziva mumoyo mako kuti ari kuda kukuuraya uri mwana mudiki. tarisazve mapositori uchaona kuti vakawanda vakaurayana nechigwere che HIV nezvimwe zvigwere, nengari yokusahwisisa. Mazuvano pavakazohwisisa nyaya idzi vakaita misangano vachikurudzirana kuderedza chihure, tinohwa kuti vafi vavo vakaitawo vashoma. Ngatitore chidzidzo ichi tikurudzirane kuderedza chihure vafi vedu vaite vashoma.
Kusimbisa Mazamu
Iwe chengetedza utano hwako chete paunogona napo. kana une murume/mukadzi akasvinura uchaona kuti anowedzera kuda kuvata newe.

Source - maichibwe.blogspot.com


Welcome To Oudney Patsika's Blog: Getting Your Message Heard in a Noisy World: In today’s media-driven, distracted culture, your message must be amplified to reach a larger audience.

Contact Us through the Chat with WhatsApp widget below.
Previous Post Next Post
avatar
Oudney Patsika Online
One of the primary goals of Oudney Patsika is to use media to change the cultural narrative. He aims to impact today’s culture with more accurate, responsible, and positive media stories about Christianity and the Church. Get In Touch Today!
WhatsApp Chat