A Must Read - Kutangazve Kuvatana Maregererana ChiHure

Nyaya iri pano ndeyokuti munotanga sei kuvatana kana mambomira nokuda kwenyaya dzokuhurirana. 

Inyaya yabvunzwa nevamwe pamusoro pekuti zvinorema kuti waregerera mukadzi/murume akuhurira, munongobva matanga kuvatana musi iwoyo wawamuregerera here kana kuti pane zvimwe vinofanira kuitwa kuti muzokwanisa kuvatana.

Chokutanga ngatiwirirane kuti sei tichivatana nevarume/vakadzi vedu? Pane zvakawanda zvinobatsimhuri kana tichigarovatana mumba vabereki.

1. Kuvatana kunorapa nokudzivirira zvigwere zvakati wandei kuvaume nevakadzi.

2. Kuvatana kunovaraidzana kuti hana igare yakadzikama, hasha dziri shoma mumba.

3. Kuvatana kunoyananisa kana mamboukana umwe akawana mukana wekukumbira regerero ukamuregerera kazhinji munovata maisana musi iwoyo kuratidza kuti zvamatukanirana zvapera.

4. Kuvatana kunoita kuti uhwe fungwa dzako dzichikuudza kuti uri munhu akakwana woita CONFIDENCE kuti uri mukadzi akakwana nokuti unoisana nomurume wako. Uri murume akakwana nokuti unoisana nomukadzi wako.

5. Kuvatana kutaudzana pasina mashoko. BODY LANGUAGE zvinova zvinohwisiswa nemi mese. Munenge muri pamwe chete muchihwisisana.

6. Kuvatana kuno deredza BP.

7. Kuvatana kunorerusa muviri (RELAX)

8. Kuvatana kunoita ufunge kuti unodiwa noumwe wako nokuti anofarira kuvatana newe.

9. Kuvatana kuoitisa mimba inozvara mwana wenyu mese kuratidza kuti muri pamwe chete COMMITMENT.

10. Kuvatana kunonaka chose chose kana muchiita zvakanaka.

11. Kuvatana kuita muite hope dzakanaka zvinova zvinowedzera utano.
A Must Read - Kutangazve Kuvatana Maregererana ChiHure
12. Kugarovatana noumwe munhu kunoita usinunguke pamoyo kana unaye.

Saka ukabata umwe wako achikuhurira mukachimira kuvatana, Zvese izvi zvange zviri pakati penyu hazvichipo. Iwe fungwa dzako dzava kufungira kuti murume/mukadzi wako ari kuhura noumwe munhu.

1. Wofunga kuti haachakudi.

2. Hamuchataudzani pasina mashoko.

3. Hauchazivi zvaari kana zvaanofunga.

4. Hamuchisiri panzvimbo imwe chete mumba menyu.

5. Hasha dzowedzera mumba.

6. Yananiso hapachina.

7. Hauchamuremekedzi wongotaurira vamwe vanhu zvese zvomumba menyu kuita sokuti imwa haisiri yako.

8. Ruvombo hapachina.

9. Rudo hapachina.

Pamba pangova nevanhu asi chakavabatanidza hapachina. Zvava zvokungoti hapana kwekuenda.

Zvino nyaya iripo ndeyokuti vanhukadzi vanokwanisa kuregerera kupfuura vanhurume. Kuregerera kwevanhukadzi kwakatosiyana nekwevanhurume. Ingari yokuti murume wako anokuona semunhu wake zvakangofanana nemaonere aanoita munda wake kana kuti mota yake. (POSSESSION) Asi mukadzi wako anokuona somunhu waari pamwe chete naye PARTNERSHIP. Ndiko kusiyana kwenyu pamafungire.

Mukadzi wako anokwanisa kukuregerera kupfuura zvaunokwanisa iwe murume kumuregerera panyaya dzechihure.

Unohwa mukadzi wemunhu achipopotera murume kana kudembademba kumurume achiti.

“Iwe ndakakuregerera wahura kaviri kese asi nhasi ini ndahura kamwe chete iwe hausi kuda kundiregerera sei?”

Mukadzi akadai haanatsi kuhwisisa mafungire evarume. Iwe uri chinhu chemurume wako asi iye haasi chinhu chako. Murume wega wega haawani zviri nyore kukuregerera. Mazuvano varume vanoudza vakadzi vavo kuti “Enda undohura tiwane mari. “ vawanda chose. Murume akadai anenge achigamuchira mari yauya nomukadzi wake mumba, achinatsa kuziva kwairi kubva, asi chokwadi ndechokuti haabvunzi mukadzi panyaya dzokuhura nokuti zvinokanganisa fungwa dzake. Kungoti iye haakwanisi kuriritira mhuri saka anobvumidza mukdzi kuhura.


Imwezve nyaya ndeyokuti kuregererana kunotora nguva uye munenga mambotukana nokutsamwisana pamwe munotombovengana chaizvo zvokusada kutomboonana. Pamwe munofungirana kuti dai afa zvake ndikasara ndega nokuti andigumbura chose. Pamunozoregererana zvenge zvava zvokungoti munhu uyu ndomuda saka rudo gunoti regerera kana ahwisisa kuti anditadzira. Asi hazvisi nyore. Kana mukadzi/murume awakambohura naye musati maroorana, kana akazohura futi maroorana unongogumbuka nazvo, zvisinei kuti iwe wakamutora kubva kune umwe murume/mukadzi, saka aitori hure nechekare.

Kotizve kusavata naye haisi nyaya yokuti hauna zemo kana kuti haudi kuvata naye, asi kuti hana chokwadi kuti ahwisisa kukanganisa kwake uye kuti uri kugwadziwa moyo zvakadii nokuti akunyadzisa zvakadii pamhuri dzenyu neshamwari dzenyu. Haumbooni kuti iyevo azvinyadzisa kuvanhu ava.

Saka apa tiri kuti zviitiko zvese ivi zvinokonzera kuti nguva yamusingaisani irebe, muchingotaura nokupopotedzana. Kozoti nyaya yasvika pokuti munofanira kududzirana kuti iri papi zvechokwadi. Mukuru wemhuri yenyu anobvunanisai kuti ahwisise zvokuita nokuti hazvina kunaka kuti murambe muchipopotedzana. Anoti:

Iwe mukadzi, murume wako zvaahura uchiri kumuda here? Iwe woti unomuda asi ngaaripe muripo wekuti kuratidza kuti ahwisisa kuti andigumbura.

Iwe murume zvawahurira mukadzi wako uchiri kumuda here kana kuti wava kuda hure rako. Murume anoti bodo, ari kuda mukadzi wake. Hure raingori munhu wekutamba naye.

Mukuru wemhuri anoti kumukadzi, waterera murume wako achizvitaurira ega kuti anokuda. Iwewo watidudzira kuti unomuda saka mese chitiudzai kuti munodzokerana sei uye riini.

Murume anotaura kuti azvipira kuti haadzikeri asina mukadzi wake. Afara chose kuti ahwa mashoko erudo kubva kumukadzi wake.

Zvadaro vanokwira mota vodzokera kumba kwavo.

Mukuru wemhuri anoti:

Iwe murume, mukadzi wako zvaahura, uchiri kumuda here? Iye woti anomuda asi chikomba chake ngachiripe muripo wekuti, kuti agamuchire mukadzi.

Mukuru oti: ko iwe mukadzi zvawahurira murume wako unoda ani pakati pavo? Mukadzi anotanga kuchema kuratidza kuti ari kutaura chokwadi, otaura kuti anoda murume wake. Chikomba akanghurawo nacho nokuti vakaburuka bhazi vese vakafamba maKILOMETRE manomwe vese kwasviba. Zvakangomubatawo zvakaipa akahura nemurume uyu asi haanei naye zvachose. Iyewo ane mukadzi wake akatouya kumba kwangu akandirova, Handina kana kumbodzorera nokuti ndaiziva kukanganisa kwangu. Murume wangu ndinomuda asi ndange ndave nevhiki mbiri dzese asingandibati usiku.

Mukuru oti: Saka sabhuku wechikomba chako atora mombe dzarebwa nomurume wako. Ini ndichanodzitinha. Sakai mi munofungei nezvamunoda kuita mese mati munodanana. Murume wako ati anokuregerera. Mukadzi oti, anoda chose kudzokera kumba kwake nomurume wake uye anotenda noruregerero gwaapiwa nomurume wake.

Zvadaro vanokwira mota yavo vodzokera kumba kwavo.


Ndipo panotangira CHAPTER ino yatiri. Masvika kumba kwenyu, maregererana, munotanga sei kuisana? Nyaya mbiri idzi hadzina kufanana zvisinei kuti padziri dzese umwe ahura uye padziri dzese, nyakuhura aregeregwa. Yomukadzi ahura inokwanisa kukonzera nyaya dzakawanda pane zvokuzoisana kwavo vava kumba kwavo.

Hezvinoi zvinokwanisa kuitika mufungwa dzako paunofunga kuti uyu murume/mukadzi wako uye unomuda saka unofanira kumuregerera. Pakunoda kumubata sezvamaiita kare, unokwanisa kuhwa fumgwa yako kuita izvi.


1. Kusemeswa nomurume/mukadzi wako
2. Kuda kuzvienzanisa nehurekadzi/hurerume reumwe wako
3. Kufunga kuti ukawedzera kuda kuisana naye anokangamwa kuhura kwake


Dzokera kwamakatangira undoongorora kuti kuisana mumba menyu kunobatsirei uye kunobatsira ani? Tambotaura kuti kunobatsira pane izvi.

1. Kunorapa zvigwere uye fungwa

2. Kunovaraidza anogwadziwa pamoyo neanochema mufungwa (COMFORT)

3.Kunoderedza kupokana mumba. Munopedzera shungu pakuisana.

4. Kunokuita ufunge kuti une chiremera kune umwe wako nokuti ari kuzvipa kwauri. Murume arikuda kuvata newe saka anokuona uri munhu akakodzera kuvata naye nokuti chombo chake chiri kutomira kana wamubatabata. Mukadzi wako ari kukuvhurira uye ari kunyorova kureva kuti ari kuda kuiswa newe,

5. Kunootaridza rudo pakati penyu. Munoudzana rudo mukuisana kwenyu zvisinei kuti hamutauri nezvokudanana kwenyu. Maitire enyu anotaridza rudo.

6. Zvinotaridza kuti uri kuda kumufadza iyewo ari kuda kukufadza.


7. Zvinorerusa muviri

Hwisazve kuti kazhinji munenga mambofumurana kuhama neshamwari. Vanhu ava vakazoona mava mese futi, zvoita sokuti ivo pavaikupai mazano ndivo mapenzi. Saka uchaona kuti havaswederi pedo nemi nokuda kwekunyadziswa nezvamaita mese. Kuti uyu ahura, uyu aregerera.

Kana ukafunga kuisana kwenyu unokwanisa kuona sokuti uri kukanganisira hama neshamwari dzakakusapota pakukanganisa kweumwe wako.

Kana watarisa zvese izvi, chizvibvunza kuti ndezvipi zvauri kufunga kuti mukatanga kuisana futi zvingave zvikonzero zvokuti ungada kuti muisirane. Kana ukawana zviviri kana zvitatu, zama kunoudza umwe wako mafungire ako mubvunzane kuti iyewo anofungei pazviri. Kana iyewo akawana zvikonzero zviviri kana zvitatu. Chimbobvunzanaiwo kuti zvisipo izvo hazvipo nengari yeyi? Zvinokwanisika here kuti uri kuti wamuregerera iwe uchiri kushushikana neregerero yako?
Kuregerera zvinoreva heri kuti hauna chigumbu pamoyo kana kuti unacho asi une rudo nomunhu wako saka uri kuzama chose asi zviri kukunetsa. 

Tarurira umwe wako ahwisise zviri pamoyo pako. Vanhu vakawanda chose vanohurira vamwe vavo havanatsi kuhwisisa IMPACT yezviito zvavo.

Munokwanisa kuti mataudzana, pamunozopedza kutaudzana iwe nyakuregerera hauchina hanya nokuda kuisana nokuti mukutaudzana wayeuchidzwa kukanganisa kweumwe wako. Pamwe munombochemedzana. Mukuchema muya anokwanisa kuhwisisa uti akakanganisa agotangawo kuchema. Pamwe munonovata, ugopepuka pakati peusiku uchiwana iye akasvinura achifunganya. Murima imomo munokwanisazve kutanga kutaudzana. Pamwe kana uri munhukadzi unohwa kuda kuriritira murume wako kumutora womuvaraidza mukukanganisa kwake.

Zvese izvi zvinokwanisa kuti umwe musi unohwa moyo wako kuregerera chose, kana wada kuisana nomurume/mukadzi wako kumuratidza kuti moyo wako uri pari wana mukana wekumuti aswedere pedo newe muisane. Kana mapedza, taudzanai kuti muri papi panyaya yenyu.

Vanhu vakawanda chose vanoita mimba panguva dzakadai. Zviri nani kuti musaita mimba nokuti kana mange musina kunatsoregererana, mimba inokwanisa kukupatsanurai futi umwe noumwe otanga kufunga zvake ega. Mwana akazozvagwa anokwanisazve kuva pakati penyu musati masvika pokuti manatsa kuhwisisana. Zvemimba dai mambomira.

Apa tiri kuti hazvisi nyore kutanga kuisana umwe ambohura mukambomira kuisana kwenyu mumba. Pamwe menge matombosiyana kuti uyu kwake uyu kwake.

Kana uchiziva mumoyo mako kuti uri kuda kuregerera asi uri kutadza chose kuzvipa muviri wako kune umwe wako, munokwanisa kuenda kundoyananiswa zvikuru nomunhu asiri wemhuri. Zviri nani paite vaviri mukadzi nomurume, kuti mese muwane wekuturira musengwa.

Nyaya iyi inobva kure chose chose. zvokuti kana nguva yekare yakanyogwa Bhaibheri zvaivako. Mubhuku raMatiyo 19 : 7-11 pane nyaya yokuti, Vafundindhisi vakasvika pakuudzwa kuti makabvumidzwa kuramba vakadzi venyu kana paita chihure nengari yokuti mune misoro yakaoma hamugoni kuregerera, asi hazvina kugara zvakadai kubva pakutanga. Kureva kuti munhu achisikwa akasikwa kuti aregerere asi kuoma musoro kwakazoita kuti abvumidzwe kurambana kana mahurirana.

Saka chinhu chakaoma. Kana zvichikunetsa kutanga kuvata naye hwisisa kuti watogona chinhu chikuru chokuregerera. Chidzidza kuzvipa kwaari. Iwewo nyakuhura, bata musoro wenyaya uhwisise kudzungaidza kwawaita umwe wako.

Kana wakahuriswa noruchiva, taura ahwisise.
Kana wakahuriswa nokushaya rudo mumba, taura ahwisise
Kana wakahuriswa nokuda mari taura ahwisise
Kana wakahuriswa nokuti hausi kuguta mumba taura ahwisise
Kana wakahuriswa nokuti haumudi, taura ahwisise umuudze achienda hake.

UDZAI VAMWE!

Source - maichibwe.blogspot.com


Welcome To Oudney Patsika's Blog: Getting Your Message Heard in a Noisy World: In today’s media-driven, distracted culture, your message must be amplified to reach a larger audience.

Contact Us through the Chat with WhatsApp widget below.
Previous Post Next Post
avatar
Oudney Patsika Online
One of the primary goals of Oudney Patsika is to use media to change the cultural narrative. He aims to impact today’s culture with more accurate, responsible, and positive media stories about Christianity and the Church. Get In Touch Today!
WhatsApp Chat