Nyaya DzeBonde - Saizi Yechombo Chemurume Ine Inebasa Here Pabonde? (Part 4)

Saka Summary ndeiyi:

1. Chombo chikuru chinonaka kupfuura chidiki here? Murume ndiye anonaka nokuda kwe attitude yake kumukadzi uye panyaya yokurhojana. Kana mese makasununguka kunaka kunowedzera zvisinei nesaizi yechombo.

2. Saizi yechombo inonyanyodiwa nani? Varume ndivo vanongoda mazichombo makuru iri ngari yokusagona kubata mukadzi zvakanaka. Vanofunga kuti kupinzwa ndiko kunonaka kupfuura zvese.
Vakadzivo ukavabvunza vazhinji vanoti vanoda chombo chisina kukurisa asizve chisiri chidikidiki. Vanotizve vanoda chakakora kupfuura chakareba. Kuzadzwa kunobva pakukora kwechombo, kwete kureba kwacho. Murume akachenjera anowedzera kukwizirira kuno kumuromo kwechitubu kwete mukatikati.

3. Vakadzi todii nenyaya iyi? Gara uchiudza murume wako kuti ane hombe uye inogutsa, kuti asagarofunganya nazvo. Murume ngaagare achifunga kuti mukadzi ari kuguta. Zvikuru kana iwe muridzi uchiziva kuti aimbovata nevamwe vakadzi musati maroorana. Hauzivi kuti ane complex yakabvepi saka ibasa rako kumupa CONFIDENCE. Kusakugutsa kazhinji ingari yokukasira kukudiridzira, kwete yesaizi yechombo. Saka tsanangura kuti adzidze kukunonokera. Musi waanononoka ukaguta, chimutendawo chose kuti azive kuti agona basa. Usaudza murume kuti waguta iwe usina kuguta.
Nyaya DzeBonde - Saizi Yechombo Chemurume Ine Inebasa Here Pabonde? (Part 4)
4. Varumewo kugarotsoropodza matinji, magaro, mazamu emukadzi wako handizvo. Garomuudza kuti iwawo aanawo makuru uye mukadzi wako anonaka. Zvinomupa manyawi okowedzera chikapa. Tichitaura chokwadi chaicho, varume hamukoni kuguta muchiti nokuti mukadzi ane chii zvacho chikurusa kana kuti chidiki. Murume kana apinza chombo mumukadzi chete anonakigwa uye kusiya urumepo kereva kuti aguta.

5. Varume vakawanda vari pakati pe 12 cm ne 16 cm kana chombo chimire, kukora 10-15 cm. Vakadzi kudzika kwechitubu chisina chombo mukati 8-10 cm. Ukaturika makumbo pamafudzi emurume muchirhojana, chombo chinotonyura zvokunobata madziro, chero chiri chipfupi hacho. Kana chakareba unotohwa kuti chasvika kure zvokuti unoturunura rimwe gumbo kuti nzvimbo yomukati iwedzere, kana murume achikoira zvehasha musi iwoyo.

6. Kana murume ane rino zidanda, fongora wopatsanisa makumbo, wodhefura musana. Chitubu chinorebawo murume opinza kusvika paada. Chero akakoira sei anokwana mukati uye mese munonakigwa pasina kugwadziwa. Kana ukavata manhede unokwanisa futi kuisa makumbo pamwe chete kuti asapinza chombo chese.
Tichitarisa apa tinoona kuti awa ma AVERAGE saka munyika imwe chete munokwanisa kuita umwe munhu ane chombo chihombe noumwe ane chidiki asizve kana AVERAGE yenyika yenyu iri pamusoro zvoreva kuti varume vakawanda vari pamusoro

Veku Congo ne Ecuador ndivo vane zvombo zvakareba kupfuura vekumwe. Veku Korea ndivo vane zvidiki. Zimbabwe iri paNUMBER 33 pane nyika 116 dzakatariswa. MaZimba mune hombe asi muri shure kwevarume veCONGO.

Asi kwese uku vanhukadzi veko vanongonakigwa pakurhojana sezvinongoita vekune dzimwe nyika.vekwedu vanongonakigwawo saka imi varume dai mambosiyana nokutsvaka mishonga isina basa yokukudza zvombo. Dai maisa fungwa pakuita basa kwacho vakadzi venyu vafarire maitire enyu.

Mukadzi weku Cong akaroorana nemurume weku South Korea, anongonakigwa zvakakwana. Mukadzi wekuSouth Korea akaroorana nemurume wekuCongo anongonakigwawo nairoro zichombo racho asi dambudziko ringavapo anofanira kuwedzera kunyorova.

Imbonozvitarisira wega apo.

Udzai vamwe!!!


Welcome To Oudney Patsika's Blog: Getting Your Message Heard in a Noisy World: In today’s media-driven, distracted culture, your message must be amplified to reach a larger audience.

Contact Us through the Chat with WhatsApp widget below.
Previous Post Next Post
avatar
Oudney Patsika Online
One of the primary goals of Oudney Patsika is to use media to change the cultural narrative. He aims to impact today’s culture with more accurate, responsible, and positive media stories about Christianity and the Church. Get In Touch Today!
WhatsApp Chat