Zvinhu 8 Zvingadiwa Kuti Mudzimai Aite Kuti Afadze Murume Wake Muwanano

Pane zvinhu zvinotarisirwa nevarume kubva kumadzimai,Kana Kana zvikagoneka anonzwa kufara muwanano.

Hazvina kukwana kuti uti unomuda,pane nzira dzekuratidza kumuda ... kana ukazvigona izvozvo unenge wagara pakati pemoyo wake.

1. RUKUDZO: Munhu wese anoda kukudzwa muwanano uye varume vanonzwa kudika Kana vakapihwa rukudzo.Hakuna murume andada mukadzi asingamukudze, itai kuti varume vanzwe kudika nguva dzose.

2. RUDO: Ida murume wako,muudze unomuda uye muratidze.Sekutarisa nekunamatira varume vanovada,varumewo vanotonamatirawo izvozvo.Muratidzei kumuda nezvaari kwete zvamunoda kuti agova.
Zvinhu 8 Zvingadiwa Kuti Mudzimai Aite Kuti Afadze Murume Wake Muwanano!
3. KUONEKERA: Hongu,anoda Kuziva Kuti unomuona akanaka,anochivika uye akarongeka.Ita Kuti anzwe sokunge ndiye oga murume panyika-chokwadi anodawo kunzwa nekuudzwa kudaro,izvi zvinomupa chivimbiso chekuti pakati pevanhu churu unosarudza iye.

4. KUGUTSIKANA: Hakuna murume anoda kunyimwa bonde.Murume wese anoda mudzimai anomugutsa pabonde,bonde rakakosha kuvarume uye murume wese anoda kufadzwa.Kunze kwekubhohwa Kana kusada edza kuita zvekuti bonde rifadze Iwe nemurume wako.

5. KUSIMUDZIRWA: Hakuna murume angada mukadzi asingamire naye mazuvano,varume vanoda vakadzi vanomira navo mupfungwa dzavo(dreams) nezvavanofunga. Unogona kuita izvi Kuti murume ako afare..Kungomuuudza Kuti ndinewe muzvishuwiro zvake,izvi zvinoreva zvakawanda muupenyu hwake.

6. ANOTENDA MAARI: Ita Kuti murume wako ave nechivimbo chekuti unotenda maari,tenda maari anonzwa kukudziridzwa zvakanyanya.

7. KUNZWISISWA: Kunzwisisa kwakakosha muwanano uye kunzwisisa murume wako kwakakosha kwaari nekuti kunopa rukudzo nechiremerera kwaari,zvinopa kufara muwanano.Anonzwa kufara Kana ukamunzwisisa nekumuteerera.

8. KUMUSUWA: Haafanirwe kuva kure newe asati aziva Kuti wamusuwa.Zvinoshamisa Kuti madzimai haazvikwanise izvi, nyangwe neavo vane kufambidzana kune chinhambo pakati (distance relationship).

Itai murume anzwe kusuwiwa nyangwe aripedo, izvi zvoita anzwe Kuti ndodiwa uye ane hukoshwa muupenyu hwako.

Ko nhai madzimai chii chamunoita kuvarume venyu, kana uine hanya naye unofanirwa kuita zvimwe zvandatsanangura munyaya yedu iyi. Izvi zvinoratidza kuti unomuda.


Welcome To Oudney Patsika's Blog: Getting Your Message Heard in a Noisy World: In today’s media-driven, distracted culture, your message must be amplified to reach a larger audience.

Contact Us through the Chat with WhatsApp widget below.
Previous Post Next Post
avatar
Oudney Patsika Online
One of the primary goals of Oudney Patsika is to use media to change the cultural narrative. He aims to impact today’s culture with more accurate, responsible, and positive media stories about Christianity and the Church. Get In Touch Today!
WhatsApp Chat