Yambiro 20 Kumadzimai Kubva Kuna Joyce Meyer - Nyatsoverenga!

MUNHUKADZI AKANAKA,ANOVA MUDZIMAI AKANAKA NEKUTI AMAI VAKANAKA VANOZVARA VANA VAKANAKA.KANA UCHIDA KUVA MUDZIMAI AKANAKA NAMAI VAKANAKA EDZA KUTEVERA ZVINOTEVERA:


1. Usafa wakasimudzira inzwi rako kumurume wako nyangwe zvidiiii,chitaridzo chekushaya rukudzo.

2. Usaratidza utera hwemurume wako kuhama kana shamwari,zvinokuvadza newewo nekuti mose munofanirwa kuchengetana (each one's keeper).

3. Usataridzira, kana kunyarara (moods) senzira yekutaura nemurume wako, hauzive kuti achazvitsanangura sei, hunhu hwekugara wakazvidzivirira haumbofe wakafara.

4. Usafa wakaenzanisa murume wako nevamwe varume,hauzive kuti upenyu hwavo Zvakamira sei.Ukarwisa hunhu (ego), rudo rwake kwauri runogona kupera.

5. Usabata zvakaipa shamwari dzemurume wako nekuda kwekuti haudzifarire,anofanirwa kudaro murume wako.

6. Ziva Kuti murume wako akaroor iwe kwete musikana wako webasa, itai basa renyu amai ...!

7. Usapa Umwe munhu basa rekuchengeta murume wako, tingaita zvose asi murume wako ndewako,ibasa rako kuona nezvake.
A Must Read - Advice For Wives From Joyce Meyer!

8. Ngatisashorwi varume vedu Kana vachinge vauya kumba vasina chavainacho,mukurudzire.

9. Usafa wakava mukadzi anoparadza,Simba romurume wako rakakosha kuti ritambiswe.

10. Ngatisanyebera urwere nekuti unoda kurambira murume wako kodzero yake. Ipai varume venyu semudiro waanozviita,zvakakosha kwaari, ukaramba uchimurambira inguva chete mumwe mudzimai asati atora basa iroro (kunyangwe kune vakazodzwa).

11. Usafananidza murume wako neuyo wawakarambana naye. Imba yako inofa zvachose ukadaro, uye hauzombofa wakaimutsiridza.

12. Usapindurira murume wako panyaya dzeruzhinji,regai vazvimiririre voga panhau dzavo nyangwe zvazvo iye achikwanisa kukumirira paruzhinji.
13. Ngatisapopotai Kana kudenha (challenging him) pamberi pevana. Mudzimai akachenjera haaite zvakadaro.

14. Musakanganwa kutarisa mapfekero emurume wenyu asati abuda pamba.

15. Usatendera shamwari dzako mudzima kuti dziuye pedyo nemurume wako.

16. Usamhanyisa muimba yekugezera kana pakuzora muviri mafuta. Kunze uko murume wako anogara akatenderedzwa nemadzimai ayo anotora nguva yawo kugadzirisa chimiro chawo.

17...Vabereki, hama kana shamwari havana chekutaura muwanano yako, usanyanya kutora nguva uchitarisira kubva kwavari.

18. Rudo rwenyu amai ngarusava rwemari,ungagona kuzvininipisa here KANA uchiwana kumupfuura

19. Musakanganwa kuti varume vanodakunzwika uy vanhu vanoteerera,usabatikana zvekumushaira nguva.Kutaurirana ndohwaro hwakasimba rweimba ine mufaro.

20. Kana pfungwa dzako dzikashanda kupfuura dzake, usazvifananidza, ziva muri nyama imwe ... Inyaya yekubatirana ...!


Welcome To Oudney Patsika's Blog: Getting Your Message Heard in a Noisy World: In today’s media-driven, distracted culture, your message must be amplified to reach a larger audience.

Contact Us through the Chat with WhatsApp widget below.
Previous Post Next Post
avatar
Oudney Patsika Online
One of the primary goals of Oudney Patsika is to use media to change the cultural narrative. He aims to impact today’s culture with more accurate, responsible, and positive media stories about Christianity and the Church. Get In Touch Today!
WhatsApp Chat