Makakatanwa Mukadzi Negero Remurume

Nyaya iri pano yabva pamubvunzo wekuti "Ndoita sei kuti murume wangu adzoke kumba kubva kuSmaro hausi kwaanopota achienda? " Mubvunzo uyu unotaridza kuti mukadzi anoziva kuti murume wake ari kuhura asi anoona sokuti pane zvaanokwanisa kuita kuti murume arege kuenda kuhure rake.

Mafungire awa anobva pakufunga kuti umwe wangu pane zvandakaita zvakaitisa kuti atange kuhura saka zvinoreva kuti pane zvandinokwanisa kuita kuti asahura. Zvinotaridza kuti mukadzi anofunga kuti kuhura kwemurume wake kwaitiswa nezviito zvake.

By Mai Chibwe
Tichitarisa mafungire awa tinofanira kuzvibvunza kuti maitire api angakonzera kuti murume wako atange kuhura iye ange asina hanya nokuhura. Ngatimbofunga kuti chii chingakonzera murume asingadi kuhura kuti atange kuhura.

1. Kushaya rudo mumba:
Vanhu vakawandisa, zvese varume nevakadzi vanoshurikigwa nokushaya rudo mumba. Tinozivazve kuti ndicho chikonzero chikuru chinohurisa vanhukadzi. Kune varumewo vanomboshinga nokukudza muchato asi kana mumba musina rudo, anongopedzisira apoya. Kupoya kwake kunobva pakuudza shamwarikadzi nhamo yake. Uya nyakuudzwa kana asinawo murume anotanga achipa munhu zheve, opedzisira ava kupa munhu zvimwe zvakawanda. Kana uchifunga kuti hapana anokuda, ukawana umwe munhu anokutaridza rudo, muedzo uripo wekuti uterere zvaanokukurudzira kuita wakakura. Saka kusapa murume rudo kunokwanisa kukonzera kuti azopoya.

2. Kusaremekedza zviitiko zvemumba: Kubvisa denga remba kuti vanhu vese vaone zvamuri, kunokonzera kuti murume achirega kukuudza zviri pamoyo pake uye zvaari kuita kana usipo. Anenge achitya kuti akakuudza, iwe woenda pa WATSAPP wotanga kuudza shamwari dzako idzowo dzoudza shamwari dzadzo, murume ozosara kufamba enge munhu asina kusimira. Kana murume akatanga kusakuudza zvinhu, zvoreva kuti COMMUNICATION yenyu yadzikira. Iwewo ukahwisisa kuti murume haasi kukudza, ucharegawo kumuudza mopedzisira musisaudzani. Kuva mumba nomurume kunoda chose kuti muve shamwari neshamwari pakati penyu. Kana musiri kushamwaridzana chasara pakati penyu chii. Zvese zvasara zvinobhowa kuzviita saka ari kupa murume wako EXCITEMENT ndiani?
Makakatanwa Mukadzi Negero Remurume
3. Kusaterera murume achishora zviito zvako. Murume haatangi nokushora zviri pachena, zvikuru kana muchishamwaridzana. Anotanga kutaura nechibhende kuti uterere uite zvaari kuona zvakaipa. Sokuti hausi kugeza zvakanaka, uru kundovata muviri une hwema. Murume anokwanisa kukutaridza kuti pane chakaipa. Iwe ukazviita sezvisina mature, hapana chaunohwisisa. Munhu gara uchipa murume wako zheve kuti ataure zvaanoda iwe uchiterera uchiita zvaanoreva.

4. Kuzvipa kumurume wako. Kana une murume, hwisisa kuti mava vaviri mumba. Zvinangwa zvenyu ngazviwane pazvinosangana zuva nezuva. Unofanira kuhwisisa kuti pakunovata muviri wako ndewemurume wako. Wakewo ndewako. Hwisisa kuti munokwanisa chose kusiyana pakuda kwenyu kuisana. Kana ukaona sokuti murume wako anofarira kuvata newe zvakawandisa kupfuura zvaunofunga kuti anofanira kuda, wana mukana wekuti murume avate newe paadira kwete kutanga kufunga nezvaunoda iwe.

Hwisisa kuti muviri wemunhu unoita zvaanoda kuti aite. Kana ukatanga kwedzera kuvata nomurume wako, muviri wako unotangawo kuda kuvata nomurume zvakawedzera. Hakuna munhu anoroorana nomurume agowana kuti vese vakaenzana pakuda kwa vo kuvatana. Kuti musapokana panyaya iyi iwe mukadzi ndiwe unoita zvinoda murume. Kana ari munhu asingadi zvikuwanza kuvata newe, wana mukana wekuenzanisana naye.

5. Tsika yokunyima murume:
Pane vane tsika yokuti mukatukana mumba mukadzi ofundumwara vhiki yese achivata akafuratira murume. Maitire akadai anokonzera kuti mumba mushaye mufaro nguva refu. Kana murume akakutsamwisa pane zvaataura, inyaya yefungwa kwete yomuviri. Muviri ngauvhugwe murume akutaridze kusafara kwake newe. Garitdza murume kuti ndiwe mukadzi mumba. Uchazoona kuti musi waanotsamwawo haakufuratiri vhiki yese. Hakuna kutsamwirana kunosvika kuBEDROOM. Kana monovata siya nyaya dzese kuKICHENI uko wogeza semazuva ese woisira murume mvura yokugeza, mupinda mumubhedha wenyu. Kana murume achakakutsamwira iwe ndiwe unotanga kumutaudza, kwete kumirira kuti iye ataure.

Asizve kune varume vanofunga kuti mukadzi ane mimba haavatwi naye. Iwe tsanangurira murume wako. Kana une mimba ukasavatwa newe, uchanetseka chose pakuzvara. Kugaroiswa une mimba zvinobatsira pakuzvara uye zvinokudzivirira kubata zvigwere zvakati wandei. Hapana chakaipa kuisana chero kwasara vhiki kana mazuva maviri kuti uzvare. Munongoona kuti maitire enyu murume haakutsimbiriri dumbu. Mimba inodzivaidza asi kana murume wako aripo achigaroisana newe, zvinoita nani.

6. Kubika mumba: Hwisisa zvaigarobikwa namai vake ugokwanisawo kugarozvibikira murume. Kune varoora vakawandisa vanotadza kuhwisisa nyaya yokugara pedo namai vemurume pamafungire. Muchato wako kazhinji uri mumaoko amai vemurume wako. Kana ukahwisis kuti mai ava vanofungei pamusoro pevana vavo, uchahwisisa kuti chii chakanakira murume wako.

7. Nyaya dzemari mumba: Kana usina kumboita BUDGET yemumba, usabvuma kuchata nomurume. Mukadzi ava munhu mukuru anofanira kuhwisisa nyaya yokushandisa nokuchengetedza mari mumba. Nyaya iyi ndiyo nyaya yamunofanira kubvumirana pairi musati maroorana. Kana mukomana wako ari munhu anoda kuita BUDGET ega. usbvuma kuroorana naye nokuti uchanetseka naye. Iwewo usatora mari mumba uchinopa hama dzako murume asingazivi. Usatenga zvinhu zvisina maturo murume asingazivi. Usatenga zvinhu zvisina kunyogwa paBUDGET yenyu uchishandisa mari iri paBUDGET. Kana pane chawada kutenga tanga wachengetedza mari kusvika yakwana kutenga chinhu chaunoda, murume achiziva kuti ndizvo zvauri kuita.

Nyaya yemari inyaya inopokanisa vanhu nokukasira uye inozonetsa kugadzirisa nokuda kekuti murume anokuona somunhu asina kuvimbika. BUDGET yako ndeyemusha wako samai vemba. Pane zvimwe zviri kuzhe, isai pa BUDGET kuti munopota muchiisa mari muchigaba yokuti zvimwe zvazouya musingafungiri zvibhadhagwe. Sokuti hama dziya dzinongoerekana dzauya dzichizoda mari yebhazi kudzokere. Chengetai kamari sokuti 5USD pamwedzi inoonekwa pa BUDGET yenyu.

Zvese izvi zvinotadzisa murume kuhura here?

Kana ukatevedzera zvese izvi, murume anorega kuhura her? Ngationgorore kuhura kwevarume Kune RESEACH yakaitwa ne UNITED NATIONS vachitarisa kuti chigwere che HIV chinokwanisa here kumiswa, vakaona kuti kune varume vanoita makumi matatu muzana, (33%) yevarume, vanoti chero zvodii vanohura. Kana ukaroorana noumwe wevarume ava, hazviiti kuti asahura.

Kuhura kwevarume vazhinhi veboka iri kunoitiswa nokumhura munhu waunaye, zvisinei kuti uri munhu akaita sei. Kazhinji iye haatomboiti hanya newe kana awana munhu wekuhura naye. Haana hanya nezvaunofunga. Kana abva pakuvata nehure rake asina kana kondom chairo, anouya kumba kagovata newe asina kana hanya nokuti uri mai vevana vake, kana kuti akachata newe pazere hama dzake nedzako. Haana hanya newe, haana hanya nehama dzako nedzake. Kana vana vake chaivo haana hanya navo.

Varume vakawandisa vanoti kana atanga kuhura, hazviiti kuti akwanise kuregera EXCITEMENT yacho haikwanisiki nomunhurume kuiregera ichienda yega pasina chaaita. Kana ukamubvisa pahure raanaro izvozvi. Hakupiti nguva refu asina kuwana rimwe.

Kozita vamwe varume vashomanana vanohura asi vachihuriswa nokushaya CONFIDENCE, sokuti anofunga kuti hapana munhu anomuda. Ipapo iwe ndiwe une mhosva yokusataridza murume rudo.

Kana murume wako akashaya rudo mumba, akawana munhu anoterera nhamo dzake anobva afunga kuti rudo oteverera. Hino hwasisa kuti mhandu yomukadzi mukadzi. Vanhukadzi akangowana murume asina mufaro kumba kwake, anobva afunga kuti anokwanisa kupa murume iyeye mufaro. Murume ane mukadzi kumba anoonekwa somunhu akatsiga anokwanisa kuriritira mhuri saka mvana dzese dzemuraini renyu dzinoda kukwezva murume wako.

Murume akadai ndiye murume waungabvunzira kuti “Ndoita sei kuti adzoke kumba?” Pane zvaunokwanisa kuita. Asi usati watanga kuzviita, bvunza murume wako kuti chii chaitisa ade kuva nehure iwe uripo.

Usapopota.
Usachema,
Usamubvunza vana varipo
Usaudza hama dzake kana shamwari dzake
Usamutevera kuhure rake achiziva kuti uri kutevera
Usapopotera hure rake.
Usamupa mhosva.
Usamudza HISTORY yekumuda kwako
Usamuudza zviri mumoyo mako panyaya iyi. Rega apedze zvase. Ukangoti zii uchadzidza zvakawanda.
Ukatanga kukwikwidzana nomuhure wemurume wako hauhwinhi nyaya yacho.

Ingobvunza murume wako kuti chii chawamukanganisira zvokusvika pakuti ade kukuitira zvakaipa. Terera achitaura kana ada kutaura. Zvikuru kana akaziva kuti abatwa, anotanga kukuverengera mhosva dzako nedzimwe dzawange usingafungi kuti unadzi. Terera chose panguva iyi nokuti ndipo chete paanotaura chokwadi. Kama mazova pakutongesana haatauri chokwadi. Terera zvaanopopota nazvo. Anosimuka agokunongedzera nechigumwe achipopota kuti haumubati zvakanaka. Usapokana naye. Rega ataure apedze iwe terera.

Kuzobva ipapo kana uchimuda yeuka zvaakataura musi uyu. Uye dzidza kushamwaridza nomurume wako. Kopopota hakuna chinoshanda. Kana uchichema chema hako wega kupedza shungu. Kumuchemera iye hakushandi.

"Ndoita sei kuti murume wangu adzoke kumba kubva kuSmaro hausi kwaanopota achienda? "

Hwisisa kuti chii chaita kuti murume wako ahure. Kana wahwisisa Ziva kuti zvoitwa sei kubva kumurume wako.



Welcome To Oudney Patsika's Blog: Getting Your Message Heard in a Noisy World: In today’s media-driven, distracted culture, your message must be amplified to reach a larger audience.

Contact Us through the Chat with WhatsApp widget below.
Previous Post Next Post
avatar
Oudney Patsika Online
One of the primary goals of Oudney Patsika is to use media to change the cultural narrative. He aims to impact today’s culture with more accurate, responsible, and positive media stories about Christianity and the Church. Get In Touch Today!
WhatsApp Chat