Kamba Kane Kaburi By Tinashe Muchuri

Kubva muneimwe kwaiva kupinda mune imwe. Vabereki vangu vaiti havagoni kuzorora kana tisina mwana. Mufaro kwavari waiva mushoma kana ini nomudzimai wangu tisina vana vanochema mumba medu. 

Mugore rarambwa bumbiro idzva romutemo wenyika noruzhinji rwavanhu vemunyika yeZimbabwe ndakangonzwa baba vangu vachiti ndiuye kumusha ndindovaona. Ndasvika kumusha baba vakanditi vaida kuti tiende kun’anga yaiva kwaMuzondidya.

Takaenda kun’anga iya. Takaenda tiri vaviri chete, apa hatina kuzoenda namai nomudzimai wangu. Tasvika kun’anga iya takashamiswa nezvakataurwa ikoko. Kana baba vakarohwa nehana. Vakabvako vachidzungudza musoro. Nyaya yacho yainge yauya ichiti, ‘ Nyaya yenyu hainetsi. Dambudziko renyu ringori dikidiki. Pane zvimwe zvinhu zvisina kumira zvakanaka apo mukomana uyu ainge achiri muduku. Sezvinowanzoitwa namadzimai ese kana achida kuti vanakomana vawo vasanyanyomhanyira madzimai vasati vayaruka vanokamira mukaka panhengo yemwanakomana wavo, mai vemukomana uyu vakaitawo saizvozvo. Saka zvino mai vake pavakakamira mukaka uyu pamhuka yake hazvina kufamba zvakana. Izvi ndizvo zvirikusakisa kuti mumba make musapfuta moto.’

‘Saka zvino tozvipedza sei nhai sekuru?’ baba vakabvunza kudaro.

‘Kuti nyaya iyi ipere mwanakomana wako uyu muzukuru agozonziwo baba, munofanirwa kuvaka kaimba musango kure nemisha yavanhu. Kamba aka kanenge kakasiyana nekaya kanovakirwa mudzimai anenge achinzi anoteverwa nemweya wechikwambo.’

‘Chikwambo chii nhai sekuru?’ Baba vakabvunza.
Kamba Kane Kaburi By Tinashe Muchuri
Kamba Kane Kaburi By Tinashe Muchuri
‘Mweya wemunhu anenge akafa unoiswa pamwanasikana kuti anzi ndiye murume wake. Mwanasikana uyu kana apiwa kuchikwambo anenge asingachafaniri kuwanikwa. Kana akawanikwa aisazoita vana zvakare wanano yake inenge isingafadzi kugara mairi. Dzimweni dzenguva anenge achingorwara nguva zhinji zvinozoita kuti murume wake amufaratire. Kamba aka kana kapera kuvakwa kanosiiwa kaburi. Zvino kavakwa kudaro, kapera, mukati mako moisamo mukadzi. Kuvakwa kwekamba aka kose mwanakomana wenyu anenge asipo. Kana nemusi unoiswa mukadzi mukamba aka mwanakomana wenyu uyu anenge asipo. Mwanakomana wenyu uyu haifanire kuziva kuti mukadzi apinzwa mukamba kane buri aka ndiyani.’ N’anga iya yakadaro.

Baba vakambotura befu. Ini ndakashaya zvazvaireva. ‘Kana vanhu vapedza kuisa mukadzi uyu mukamba aka, vanofanira kubva vachienda kudzimba dzavo uko kunenge kune doro. Mwanakomana wenyu uyu anofanira kuzoenda kukamba kaya otsvaka pane kaburi anoona churu chemukadzi chinenge chichibuda napakaburi. Kana mwanakomana wenyu aona pane churu chiya anofanira kuurura churu ichi nemhuka yake. Kana aurura churu chiya chinoonekwa nepakaburi kaya kamwe chete obva atendeuka otiza akananga kumba. Haafaniri kugeza. Zvakare haafaniri kusangana nomukadzi uyu akasimira magambiro avako mazuvano anosakisa kuti mbeu isawira muvhu kuti imere.’ N’anga iya yakadaro.

Zvakandirovesa nehana. Zvinoitika mukore uno here izvi. Nyaya yemukondombera ndiyo yakabva yangouya mupfungwa dzangu. Vanhu ava vaida kuti ndife ndichiona, zvino hazvidaro! Zvinoita here izvozvo kusangana nomudzimai wausingazivi kuti ndewani, uye akasangana navarume vangani uye hauzivi mamirire ake pahutano apa? Ndimedzwe zvangu nechandinoona, kana! Ndakadaro ndichitosendeka mhiko iyi kugotsi kwendangariro dzangu.

Nyaya yekamba kane buri ndiyowo yakapa baba kudzungudza musoro vachikapadza kunge mombe irikubuda mudhibha. Kubva kwaMuzondidya kusvika kumusha hapana aitaura. Kana kumba hapana wakataura noumwe. Pakabvunzwa baba kuti mafamba sei namai havana kudaira. Kana ndirini handina kana kuzvitaura. Ndaizviudza mai ndakamira pai izvozvo zvokusangana kwemurume nomukadzi nepakaburi kemba. Izvi ndaigona kuzvitaura chete kunambuya, maiguru mukadzi wamukoma kana kuna tete. Saka ndakangosonawo wangu muromo. Ndakazvisiira kuna baba munguva dzamanheru ivo namai vava mumba mavo vari vaviri.


Mumangwanani ndakazoenda kumba kwambuya kunobvunza kuti zvinhu zvakadai zvairevei. Mbuya vakandivhurira zvose zvandainge ndisingazivi. Ndakavaudza nozvokusada kutaura kwababa nezvenyaya iyi kunyange kuna mai.

‘Muzukuru, izvi zvaiitwa kare. Kuti iyezvino zvichaitika here muzukuru wangu?’ Vakadaro mbuya. Ndokumbotura befu.

‘Zvipiko nhai mbuya?’ Ndakabvunza nokuda kuziva.

‘Izvo zvokuvakirwa chiimba chine kaburi?’

‘Handizivi ndimi makatanga kuona zuva mbuya. Ndidzidziseiwo ndizive.’ Ndakadaro kuri kuedza kuvanyengetedza.

‘Inga mukore uno kwava nevechiporofita vanoshandisa mvura kuti vabvise zvinetso zvose muhupenyu hwavanhu wani? Munodirei kuita nyaya yakaipa kudaro. Ndiyani amboita kuti muende kun’anga ikoko, nhaiwe muzukuru?’

‘Baba ndivo vakanditi ngatiendeiko. Ndiko kwataudzwa nezvaizvozvo. Ko, vanhu pavanoenda kun’anga vanenga vachiziva kuti kunondowanikwei here nhai mbuya?’

‘Izvi zvataurwa izvi hazviiti mukore uno muzukuru? Zvaida kare vanhu vachine hana uye vanhu vachiri vashoma. Kwete iyezvino kudai vanhu vose vasisagone kuchengetedza tsindidzo.’

‘Inga tsindidzo munoti haigari muhana mbiri wani mbuya?’

‘Ndizvo chaizvo muzukuru. Ndiko saka ndichiti hazvichaiti zvamaudzwa izvi. Zvaiitika kare kuchine masango airura mhondoro. Kwete iyezvino zvokuti hapachina pokuhwanda kunyange uchida kutsauka kuti urase dope. Nyika yose inoswera yaziva kuti nhingi arasira dope pachikwedzi chomusekesa chekumunda kwanhingi. Hazvichaita muzukuru.’

‘Zvakamboipa zvakadii nhai mbuya?’

‘Pamwe hauzivi zvazvinoreva.’

‘Zvinorevei mbuya?’

Mbuya vakambosunungura chibako chavo icho vainge vakasungirira muchiuno chavo. Vakachivhura ndokugugudzira bute muruoko rwavo rweruboshwe. Vakabva vati kwe-e, kwe-e, kaviri, katatu ndokuhotsira vakadaro. Vakabvisa dzihwa raive rakatodza ruvara rwebute ravainge vaputa neseri kweruoko. Vakaripukutira panguvo yavo.

‘Mudzimai anenge ari mukamba kane buri vanenge vari mai vako. Saka zvinoreva kuti unenge wasangana namai vako pabonde.’

Chidimbu chinganonyorwa yangu inonzi Mwana. Siyai mashoko enyu pamusoro penyaya iyi. Ndipo panguwo munguva ino yokuramnwa kwemhirizhonga mudzimba.



Welcome To Oudney Patsika's Blog: Getting Your Message Heard in a Noisy World: In today’s media-driven, distracted culture, your message must be amplified to reach a larger audience.

Contact Us through the Chat with WhatsApp widget below.
Previous Post Next Post
avatar
Oudney Patsika Online
One of the primary goals of Oudney Patsika is to use media to change the cultural narrative. He aims to impact today’s culture with more accurate, responsible, and positive media stories about Christianity and the Church. Get In Touch Today!
WhatsApp Chat