Bonde Nepwere Kana Kuti Chibharo?

Kune nyaya yakabuda mumapepanhau yemudzimai wechidiki wekuMvuma ane makore 19 ekuberekwa uyo akapihwa chirango chekunofondoka kwemaawa 280 mushure mekubatwa nemhosva yekupinda pabonde nemwana mudiki. 

Izvi zvakasiya vakawanda vasina remuromo nokudaro chinyorwa chino chichatsanangura maringe nemusiyano wechibharo newekuenda pabonde nemwana asati abva zera.

Mutemo weCriminal Law (Codification and Reform) Act unoti munhurume akaita bonde nemwana musikana ari pasi pemakore 12 ekuberekwa mhosva iyi inotorwa sechibharo. Pamutemo uyu, nyaya yekubvumirana inotogara yaraswa nekuti mwana wezera iri haagoni kubvuma nyaya dzebonde kusanganisira mukomana ane zera rimwe chete iri.

Pamhosva yerudzi urwu, munhu anopihwa chirango chekuenda kujeri kana kweupenyu hwese. Saka izvi zvinozosiyana nemutongi, kuti anenge achizviona sei kuti omupa mutongo upi usingadarike mutongo weupenyu hwese mujeri. Izvi ndizvo zvimwe zvinoita kuti mupari wemhosva asvike pakupihwa chirango chekunofondoka kana chakaderera.

MuZimbabwe mutemo unotarisa nyaya yechibharo sechinhu chinokwanisa kuitwa nemunhurume bedzi kwete munhukadzi asi kuti anotongwa nemutemo unodaidzwa kuti Aggravated Indecent Assault inova ine mutongo wakangoda kufanana newechibharo.
Bonde Nepwere Kana Kuti Chibharo?
Zvisinei, mutemo wechibharo hauna mutongo chaiwo wakadzikwa wekuti vapari vemhosva vange vachitogwa nawo asi kuti mbavha dzezvipfuyo dzine mutongo wakadzikwa unotangira pamakore mapfumbamwe munhu ari mujeri. Izvi zvinoratidza kuti zvipfuyo zviri kukosheswa zvakanyanya kupinda upenyu hwevana, zvikuru sei vana nekuti vanhu vasina mutengo.

Tinoda kuti kuve nemutongo unogara wakadzikwa panyaya dzemhosva dzechibharo nekuti mhosva dzechibharo neAggravated Indecent Assault dzakaipisisa kwazvo sezvo dzichikwanisa kusiya vana vaine pamuviri pasingadiwe nezvirwere zvepabonde. Mutemo unofanira kutarisa matambudziko anosara aine vaparirwi vemhosva mushure mechiitiko chechibharo.

Mutemo weCriminal Law (Codification and Reform) Act unotarisa mwana mudiki semunhu ari pasi pemakore 16 ekuberekwa. Kana munhu akapinda pabonde nemwana ari pakati pemakore 12 kusvika 15 vachitenderana, mhosva iyi haichatariswi sechibharo asi kuti zviri kutorwa semhosva yekupinda pabonde nemwana mudiki.


Mwana mudiki haana ruzivo maringe nekubvuma kana kuramba nyaya dzepabonde. Kana mwana iyeye achinge atenderana naye kupinda pabonde mhosva iyi haitorwi sechibharo asi kuti kana achinge aita zvekumanikidzirwa. Izvi zvingarevewo here kuti mwana ane makore 12 anogona kubvuma bonde takatarisa vasikana nevakomana?

Apo vazhinji taifunga kuti zera rekubvuma bonde rinotangira pamakore 16 ekuberekwa, zvinoratidzawo kuti mwana ane makore 13 anokwanisa kubvuma nyaya dzepabonde, nyaya iyi igotongwa isiri chibharo asi kuti sekupinda pabonde nepwere. Izvi zvinotyisa kwazvo asi tinokatyamadzwa nemutemo wedu uri mubumbiro remutemo unoti munhu wose ari pasi pemakore 18 anotorwa semwana.

Nokudaro mhosva yekupinda pabonde nepwere inofanira kubviswa nyika isare yakangomira nemhosva yechibharo.

Mhosva yekupinda pabonde nepwere haina mutongo chaiwo wakanyorwa kuti inofanira kunge ichibviswa nevapari vemhosva. Inongopa mikana yekuti musungwa anogona kuendeswa kujeri, kubvisiswa faindi yekusvikira palevel 12 kana zvese. Pachikamu chekubhadhariswa faindi chelevel 12, mupari wemhosva anogona kubhadhariswa mari isangadariki US$2 000.

Asi mutongi anenge akatarisa nyaya yacho anogona kuderedza kusvika paUS$700 kana kupa mutongo wekunofondoka senyaya iri pamusoro iyi.

Kuburikidza nechinyorwa chiri pamusoro, zviri pachena kuti mitemo inofanira kutariswa nekuti ichine mikaha mikuru nekuti haichengetedze vana vane makore ari pakati pe12 ne15 seavo vana makore ari pasi pe12 okuberekwa. Mwana ari Grade 7 anenge asati ayaruka mupfungwa kuti azviitire sarudzo yeupenyu hwake.

Musikana kana mukomana ari kuita Form 1 haakwanisi zvakare kuzvisarudzira nyaya dzekuita bonde. Pfungwa dzake dzinenge dzisina kuyaruka kuti azive kuti ari kuzviitirei, kupi, sei uye nani. Mutemo unofanira kucherechedzwa kuti unge uchigadziriswa. Vanhu ngavabudirwe pachena maringe nemitemo iyi kwete kuhwanda-hwanda uye mitongo inofanira kusimbaradzwa.

Chinyorwa chino chakabva kuna Tinotenda Chihera, Legal Graduate Intern. Zimbabwe Women Lawyers Association.


Welcome To Oudney Patsika's Blog: Getting Your Message Heard in a Noisy World: In today’s media-driven, distracted culture, your message must be amplified to reach a larger audience.

Contact Us through the Chat with WhatsApp widget below.
Previous Post Next Post
avatar
Oudney Patsika Online
One of the primary goals of Oudney Patsika is to use media to change the cultural narrative. He aims to impact today’s culture with more accurate, responsible, and positive media stories about Christianity and the Church. Get In Touch Today!
WhatsApp Chat