‘Blaz’ Oita ‘Hasha’ Pamabhurugwa 40 Echikadzi

Mukomana wechidiki anodzidza pakoreji yemabasa emaoko yeKushinga Phikelela Polytechnic iri kuMarondera ari kudzidza zvakewo — ava nemabhurugwa echikadzi 40 ekubira vasikana vepo ayo aari kuita zvinorova nawo.

Muchinda uyu ari kureurura kuti anoba zvipfeko zvemukati nedzimwewo mbatya dzevasikana vepakoreji iyi izvo zvaanoenda nazvo pabonde sevakadzi vake.

Zvichitevera kubuda kwenyaya iyi masvondo maviri adarika, vadzidzi vechikadzi pakoreji iyi vave kutyira upenyu neutano hwavo sezvo vasiri kunzwisisa mashandisirwo ari kuitwa zvipfeko zvavo zvinobiwa nemukomana uyu.

Vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East, Assistant Inspector Tendai Mwanza vanoti nyaya iyi haisati yasvitswa kumahofisi avo uye vanoda nguva yekuiongorora.

Mukuru wekoreji iyi, uyo akangozivikanwa nezita rekuti VaMavhunga, anotsinhira kuti pane nyaya yakadaro yakaitika.

Vamwe vevasikana vepo avo vakaita hurukuro neKwayedza — asi ndokukumbira kuti mazita avo asadurwe — vanoti kubuda kwenyaya iyi kwaita kuti vazive zviri kuitika kuzvipfeko zvavo sezvo vamwe vachiti vava nenguva refu mabhurugwa avo achingotsakatika.

“Mukomana anonzi Munyaradzi takamubata aine mabhurugwa evasikana 40 nedzimwe mbatya dzechikadzi. Aisitora mapanties nedzimwe mbatya pazvinenge zvakayanikwa, oenda nazvo. Paaidzoka nazvo, zvainge zvava nezviratidzo zvekuti azvishandisa sevakadzi — zvanyorova.
‘Blaz’ Oita ‘Hasha’ Pamabhurugwa 40 Echikadzi
“Paakazobvunzwa, akati anoshandisa mishonga kushinha nevaridzi vembatya idzi, hameno kuti chirudzii?” anodaro mumwe wevasikana ava.

Anoti iyewo ari kushaya mabhurugwa ake nezvimwe zvipfeko.

“Vamwe vasikana vanofuma vachiratidza kuti vanenge vashereketwa navo, asi vasingaone varume vacho,” anodaro.

Vasikana ava vanoti pakabatwa mukomana uyu, akaendeswa kuna VaMavhunga uye akabvuma kuti anoita zvemishonga yekushinha nevakadzi ivo vasingazive.

“Munyaradzi abvuma nyaya yake, mukuru wechikoro anove principal naDean of Students vakaenda naye kuboardroom uko akanovapa mamwe emabhurugwa aya, asi havana kutidzosera. Tinoda kuti atidzosere mapants edu nekuti hatizive kuti zvichatikanganisa utano zvakadii.

“Tine vakawanda vakashaya zvipfeko zvavo pano,” anodaro mumwe wevasikana ava.

Vadzidzi vepakoreji iyi vanoti vakuru vavo vakazoendesa mukomana uyu kumusha kwake kuChegutu nekutyira kuti aizorwiswa nekuda kwenyaya iyi.

“Taida kuti nyaya iyi imhan’arwe kumapurisa mukomana uyu asungwe ataure chokwadi chizere uye tinoda kuti vabereki vedu vazofamba nesu kana tatanga tanzwa chaizvo zvaiitika kubva kumuridzi wenyaya iyi.

“Tave kutya kuramba tichidzidza pano, hamheno tikavhara kana mukomana aripo uyu hatidzoke,” anodaro mumwe musikana.

Mumwewo mukomana anoti mukomana ari kupomerwa kushandisa mubobobo uyu aizviita mazuva ose apo anoenda achinotora mabhurugwa echikadzi nedzimwe mbatya izvo anoenda nazvo kusina anoziva uko anozodzoka nazvo zvatota.

“Iyi haisi nyaya ingavharwe nekuti vasikana vane zvipfeko zvakatorwa vanogona kukanganiswa nenyaya iyi. Tichaguma taenda nenyaya iyi toga kumapurisa, haisi yekutamba nayo,” anodaro mukomana uyu.

Vachitaurwa navo panhare, VaMavhunga vanoti nyaya iyi ichiri kuongorororwa.

“Nyaya yakadai iriko asi inyaya ichiri kuferefetwa. We

are still investigating the case (tichiri kuongorora nyaya iyi).

“Handina zvakawanda panyaya iyi, sekuziva kwenyu inguva yemaexams-ka iyi saka takambomira kuti vana vapedze kunyora zvingavakanganise.

“Iye (mukomana wekupomerwa kushandisa mushonga) tinaye. Angaende kupi? Mukomana uyu ari kunyora mazamanishoni sevamwe,” vanodaro.

Mutevedzeri wemukuru wekoreji iyi, uyo akangozivikanwa nekuti VaMahundi, akarambawo kutaura zvakawanda. “Principal havapo, ndini ndiripo ivo vambofamba. Kunyangwe dai vanga varipo handifunge kuti vaikwanisa kutaura nemi zvizere nekuda kwenyaya iyi. Zvimwe chete neni, handina zvekutaura nemi nekuda kwenyaya iyi, inogona kunge iripo, inogona kunge isipo. “Mutemo wedu, tiri muHurumende saka endai munotaura nebazi rezvedzidzo yepamusoro munotaurirwa zvizere kana pane zviripo,” vanodaro VaMahundi.

Vanoenderera mberi vachiti, “Imi veKwayedza inga tinoshanda tose wani. Musadaro vakomana, ngatitaurei nenyaya yekuti tizokupaiwo maadverts kwete izvi,” vanodaro.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura nemukomana uyu sezvo mamwe mashoko achiti akabviswa pakoreji iyi izvo zvisina kutsigirwa nemukuru wepo.

Zvakadai, makore mashoma adarika kwaMambo Njelele, kuGokwe kune madzimai 27 veko vaifuma vasina kusimira zvipfeko zvemukati uye mumwe murume akazodura kuti ndiye aiatora nemishonga achiashandisa kuita vakadzi vake.

Mukuru wesangano rinomirira varapi vechivanhu reZimbabwe National Practitioner’s Association, Sekuru Friday Chisanyu, vanoti vechidiki havaite zvemubobobo voga asi kuti vanopihwa mishonga iyi nevabereki vavo vasingazive.

“Vazhinji vanoita mishonga yekusiirwa nehama kana nevabereki zvozovatambudza. Izvozvi mukomana uyu haatomboziva kuti zvakatanga sei, saka anoda kubatsirwa,” vanodaro Sekuru Chisanyu.


Welcome To Oudney Patsika's Blog: Getting Your Message Heard in a Noisy World: In today’s media-driven, distracted culture, your message must be amplified to reach a larger audience.

Contact Us through the Chat with WhatsApp widget below.
Previous Post Next Post
avatar
Oudney Patsika Online
One of the primary goals of Oudney Patsika is to use media to change the cultural narrative. He aims to impact today’s culture with more accurate, responsible, and positive media stories about Christianity and the Church. Get In Touch Today!
WhatsApp Chat