‘Tinoingwa nezvivanhu zvipfupi, zvine ndebvu’. . . zvikadzi zviri musvo

MURUME wechidiki wepapurazi reMimosa, kuMarondera, apo pakagariswa vanhu patsva, anoti akaita mazuva matatu achirwisana nezvidhoma dakara akazokuvara gumbo.

Anoti akapotsa afa apo zvidhoma zvacho zvakamudhonza nhengo dzakavandika ndokutombofenda.

Robert Ngwanda (25) akabuda pachena kuti akarwisana nezvivarume zviviri zvaiva nehupepe hwendebvu chena izvo anoti zvaida kuuraya mudzimai wake, Vimbiso Chanakira (20).

Pakashanyirwa purazi iri neKwayedza svondo rapera, murume uyu akawanikwa asingagone kufamba zvichitevera kurwiswa kwaanoti akaitwa uku.

Zvichakadai, Vimbiso ari kurwara nekuda kwekurwiswa uko anonzi ari kuitwa nezvinonzi zvidhoma izvi.

Nyaya iyi inonzi yakatanga usiku hwemusi wa25 Mbudzi apo Vimbiso akangotanga kurwara mushure mekuona zvivarume zvipfupi-pfupi zviviri zvinonzi zvaiva zvisina kupfeka zvichishevedza zita rake.
‘Tinoingwa nezvivanhu zvipfupi, zvine ndebvu’. . . zvikadzi zviri musvo
“Zvakatanga apo ndaitandara nemukadzi wangu mumba usiku. Akangotanga kuti aipera simba ndokubva ndamuzora sauti muviri wese. Ndakazoona zvidhoma zviviri, zvirume zvipfupi-pfupi zvine ndebvu refu, zvichida kumudzipa, shaya dzake dzakabva dzaoma ave kubuda furu mukanwa nemumhuno mazino aoma.

“Ndave kuda kubuda kunotsvaga mota kuti aende kunonamatirwa kumasowe, zvidhoma zvakanomira pamusuwo zvichindirambidza kubuda. Ndipo pandakaita sekunge ndasvikirwa izvo zvakandibata muchiuno. Ndakarova chimwe chacho negumbo rerudyi chichibva chapunzikira pasi ini ndokukuvara gumbo kuita seratyoka. Izvozvi riri kurwadza.

“Zvakatiza ndichibva ndazvishaya zvose,” akadaro Ngwanda.

Anoti motokari yaaida kuti itakure mudzimai wake yakanga isina mafuta izvo zvakaita kuti adzokere kumba uko akasvikoita mudzimai wekubereka kuenda naye kumuporofita.

“Tave kufamba ndakamubereka tichienda kumasowe, ndaidhonzwa hembe nekumashure iye achidhonzwawo makumbo, ndichitonzwa kuti ndakabatwa asi hapana chataiona. Ndakazobatwa nhengo dzangu nezvandaisaona ndikapunzikira pasi apo ndainzwa mutsonyo wakasimba parutivi pedu tirere pasi nemudzimai,” akadaro Ngwanda.

Anoti akazobereka zvakare mudzimai wake apo aizhambatata achiti zvinhu izvi zvaivatevera zvichimurova nezvibhakera.

“Panguva iyoyo ndakatanga kurohwa mumusoro nezvibhakera nemudatira tose ndokutanga kuchema. Tasvika pasowe raMadzimai Bhasiriya apo taida kubatsirwa, zvidhoma izvi zvakandibatazve nhengo ndikati bvurugwada ndichibva ndafenda.

“Zvakazotakanurwa namadzimai apo vakazvikurira zvichinzi zvakati, ‘tinoda kumuuraya nekuti anoda kutitadzisa kudya mudzimai wake’,” akadaro.

Muporofita uyu anonzi akazotanga kushandira vaviri ava apo zvinonzi pamudzimai uyu pakabuda mweya waitaura mazita emadzimai matatu anogara munzvimbo iyi vachiti vaida kuti Ngwanda aroore vana vavo nekuti vaida kurima minda yemhuri iyi.

Murume uyu anoti izvi zvakadzokorora kwemazuva matatu achirwisana nezvidhoma nekubvakachirwa nemadzimai asina kupfeka usiku pamwe nekuonawo marangwanda evanhu vakafa ayo aifamba nemadzimai aya.

“Zuva rechipiri mudzimai wangu neni takaenda kunotandara kwasisi vangu. Tiri ikoko akatanga kutaura kuti zvivarume zviya zvakanga zvamutevera. Akatiza ndichibva ndamutevera achiti zvaimushevedza, iye ndokutanga kundirwisa kuti ndimusiye.


“Tasvika kumba, ndakazoona madzimai matanhatu asina kupfeka vakatarisa mumba nepahwindo vaine zvivarume zviviri zvisinawo kupfeka nemarangwanda ayo vaitofamba nawo. Mumwe wemadzimai aya ainge akapfeka mbatya dzaamainini vangu vakafa munaNyamavhuvhu gore rino.

“Misoro yavo yaisanduka ichimboita madeheny’a evanhu uye nekutsapfu kuchiita mapfupa,” akadaro Ngwanda.

Zvakadai, dambudziko guru rashungurudza kunyange nevatungamiri venzvimbo iyi mazita emamwe madzimai ari kutaurwa naVimbiso achirwa.

Vimbiso anoti aoneswa nhamo nezvivarume zvipfupi izvo zvinouya kwaari zvisina kupfeka zvichimushevedza nezita rake, dzimwe nguva zvichiita sezvinoda kushinha naye.

“Zuva nezuva zvivarume izvi zvine ndebvu dzinonzvenzvereka nepasi, izvo zvisingasvike mita imwe chete pakureba, zvinondishungurudza. Pandinozviona ndinobva ndangofenda, zvinozoitika handizvizive,” akadaro Vimbiso.

Ngwanda, uyo akasiirwa nzvimbo yavari kugara nevabereki vake VaGeorge Ngwanda naMai Tarisai Doko, avo vakashaika, anoti kune vamwe vanhu vari kuda dzimba neminda yavo vachiti ndivo vanofanirwa kugarapo.

“Hondo ndeyekuti isu takasiiwa nababa naamai vedu tiri vana vatanhatu pano. Zvino tave kushamiswa kurwisirwa minda yedu,hatizive kuti vanhu vanoda kuti tinogara kupi. Ndichashinga nevamwe vangu sezvo ndirini mukuru, hatibve,” akadaro Ngwanda.

Sabhuku wenzvimbo iyi, VaDavid Mambozoukuni (60), vanoti dambudziko remhuri iyi ravashungurudza zvikuru, iro vanoti vakatosvitsa kumapurisa nekwaShe Rusike.

“Muno mune matambudziko makuru anofambirana nenyaya dzekuroyana, kusanganisira remhuri inoti iri kunetswa nezvidhoma iyi. Ishe Rusike ndakavazivisa vakati titsvage n’anga zvisinei kuti mhuri iyi iri kubatsirwa nemapositori, mukatarisa vabereki vepamba apa vakafa mazuva nemwedzi mimwe chete.

“George Ngwanda akafa musi wa13 Nyamavhuvhu 2013, mukadzi wacho Tarisai Doko ndokufa 13 Nyamavhuvhu 2014. Zvino tingarambe nyaya dzehuroyi here apa? Taona nhamo nekuroiwa,” vakadaro.

Mumwe mugari weko, Mai Musakwa Rutendo Marerwa (45), vanoti mukomboni mavo mava kutyisa kugara nekuda kwemarwariro anoita vanhu.

“Muno hamuchagarika, hatizive kuti todii. Dai varoyi vaidzingika zvaitibatsira, zvino unoita mhosva,” vakadaro Mai Musakwa.

Mai Beulla Mambozoukuni (53) vakatsinhirawo dambudziko revaroyi vachiti:

“Nhasi chaiye kune mwana arohwa nezvidhoma, ari kutobatsirwa nemapositori. Kugara muno zvakangofanana nekugara murenje nemumasango azere nezvikara.”

Mavis Nyaurondo (18) anotiwo mwana wake anogara achirwara nedenda risinganzwisisike.

Mumwewo wevagari venzvimbo iyi, Mai Celia Tsanguimwe (57), vakaudza Kwayedza kuti:

“Hapana chandinoziva panyaya iyi. Kana paine vane zvavanoziva ngavataure. Ini ndine zvangu, vamwewo vane zvavo, asi nyaya iyi ikaramba yakadai ndichatema munhu nedemo.”

VaSamuel Mombe (44), vanova mupurisa wemusha uyu, vanoti mamiriro ezvinhu mukomboni iyi anoita kuti basa ravo rinetse nekuti vanhu vanogona kurwisana.

“Izvozvi mukuwasha wangu akatiza muno apengeswa akazonorapwa, anoti haadzoke,” vakadaro.

Mai Rita Tekenye Doko (59) vanoti Vimbiso haarware asi kuti ane zvakewo zvinomunetsa. “Hakusi kurwara uku, vanhu vane nyaya dzavo. Izvozvi ini mwanasikana wangu anorwara, ndine vana 4 vakafa saka ndoti kuroiwa here?” vakadaro.

VaMaiden Doko (63) vakati dzimwe nyaya dzinobva paruvengo rwepapurazi iri.


Welcome To Oudney Patsika's Blog: Getting Your Message Heard in a Noisy World: In today’s media-driven, distracted culture, your message must be amplified to reach a larger audience.

Contact Us through the Chat with WhatsApp widget below.
Previous Post Next Post
avatar
Oudney Patsika Online
One of the primary goals of Oudney Patsika is to use media to change the cultural narrative. He aims to impact today’s culture with more accurate, responsible, and positive media stories about Christianity and the Church. Get In Touch Today!
WhatsApp Chat