Musatifungire tinofungawo zvakakwana semi’

TINONZWA zvichinzi kuremara hausi hutera. Kazhinji tichitsinhira kudaro asi maitiro edu asingaenderane nechirevo ichi.

Vanhu vakaremera vangave pamutezo, kusaona kana kunzwa vanoshamiswa nemabatirwo avanoitwa nevanhu vasina kuremara. Kazhinji vanotsamwa nekunzwa hasha apo munhu asina kuremara anoda kuvamiririra kana kuda kuvafungira kunge ivo vasingafungi.

“Ndinoshamiswa kwazvo nevanhu vasina kuremara, munoda kutifungira, munoda kutaura makatimiririra, munoda kuve nhume dzedu, ko isu hatigone kuita zvese izvi tega here? Tinogona, ini ndiri mhetamakumbo ndiri muwiricheya asi handina kuremara pfungwa kana mitezo yesikarudzi ndinofungawo semi, ndinorwara semi uye ndinodawo kuva nerudo semi nekuti ndiri munhu wenyama,” aya mazwi makukutu akataurwa namai Rachel Kachaje kumusangano wakarongwa neveWorld Council of Churches neEcumenical HIV/Aids Initiative in Africa (EHAIA) masvondo maviri apfuura kunyika yeMalawi.
Musatifungire tinofungawo zvakakwana semi’
Musangano uyu wakaunganidza vakuru vedzisvondo, vanachiremba vehutano nevadzidzi vezvikoro zvepamusoro. Ndakava nerombo rakanaka kuve mumwe wevanhu vakakokwa kumusangano uyu. Musangano uyu wakatora mazuva matatu kunzvimbo yekutandarira yeMangochi.

Mai Kachaje, avo vakave mutauri wekupedzisira pamusangano, vakati vakazvipa nguva yekuterera vasingamhanye kupa divi ravo kwemazuva matatu ese nekuti vaida kuona mafambiro nepfungwa dzevanhu vaive pamusangano uyu.

“Ndakanga ndakanyarara hangu ndichiteerera nhaurwa ndisingadi kudambura pfungwa dzevanhu vasati vapedza. Ndakazviitira maune kuti ndijekese pfungwa nemaonerwo atinoitwa isu vakaremara,” vakadaro Mai Kachaje.

Vakati kune vanhu 650 miriyoni pasi rese vanorarama nehurema avo vane njere dzese uye vanonzwa kuda bonde semadiro anoita munhu asina kuremara. Mai Kachaje vakati hutera mupfungwa dzevasina kuremara hunodzosera shure ruzivo nekuvepo kwedzidzo yevakaremara izvo zvinoisa vakaremara parumananzombe uye munjodzi yekutapurira HIV nezvirwere zvepabonde

Vakakurudzira vedzisvondo kuti vave nemisuwo yakavhurika nekutambira vakaremara.

“Svondo ngaive iine misuwo yakavhurika kune vanhu vakaremara. Svondo inotora vakaremara sevanhu vanoda kupiwa rubatsiro rwekudya nekupfeka, hongu izvi zvingadiwe asi handiyo mhinduro vakaremera vanogona kuzviriritira naizvozvo vanoda kupiwa zvirauro voraura vega kwete kuvapa hove imwe iyo vanodya yopera vomirira kupiwa zvakare,” vakadaro. Mai Kachaje, avo vanove muparidzi mukereke yavo, vakati zvinoshungurudza kuti ivo mukereke yavo hamuna nzvimbo yakagadzirirwa vakaremara yatingati pachirungu ‘friendly to the disabled’.

“Ndinoparidza musvondo medu uye murume wangu, baba Kachaje, ndivo vane dambudziko rekuona kuti vakumbira vamwe vaparidzi kundisimudza vondigadzika patafura kana ndichiparidza nekuti purupiti haina payakagadzirirwa vakaremara,” vakadaro.

Mai Kachaje vakati vanoshamiswa kuona pasina zvirongwa zvakanangana nevakaremera apo panoitwa zvidzidzo zveHIV neAIDS muhurongwa hwenyika.

“Nekuda kwekuti tinosiiwa pazvirongwa zvine chekuita nesu, tinoona kuti pfungwa dzakarasika uye kusaziva chaiko kunoenderera mberi apo vanhurume vamwe vanenge vaonekwa vava neutachiona hweHIV vachifunga kuti hunodzimurwa nekubata chibharo munhu akaremera. “Nhamo huru inopedzisira yaita kuti mudzimai akaremara azviise panjodzi yekurara nevarume uye asina simba rekusarudza dziviriro opedzisira ave nedambudziko gurusa abata zvirwere zvepabonde kana kuita pamuviri asina anomubatsira,” vakadaro Mai Kachaje.

Zvakadaro, vamwe vakaremera vechidiki nekuda kwekuti vave vanogamuchirika munharaunda nepahushamwari hwavo vanopedzisira voputa zvinodhaka, kunwa doro uye kurara kusina magumo.

Wenyu:cathymwauyakufa@gmail.com


Welcome To Oudney Patsika's Blog: Getting Your Message Heard in a Noisy World: In today’s media-driven, distracted culture, your message must be amplified to reach a larger audience.

Contact Us through the Chat with WhatsApp widget below.
Previous Post Next Post
avatar
Oudney Patsika Online
One of the primary goals of Oudney Patsika is to use media to change the cultural narrative. He aims to impact today’s culture with more accurate, responsible, and positive media stories about Christianity and the Church. Get In Touch Today!
WhatsApp Chat