Vonamatirwa vari musvo

NaNdumiso Dube
MUPOROFIta wechikadzi weJohane Masowe yeNguwo Tsvuku yeNyenyedzi Nomwe, uyo anogara kuNational, kuMbare, ari kunamatira vanhu zvine musiyano – anoshandira vasina kupfeka achivakusha nemunyu nemvura vari pamhene.

Manenji aya ari kuitwa munjanji yakadziva padyo nemugwagwa waHobb s uyo unoenda kuchipatara cheHarare Central Hospital uchibva mumugwagwa waSimon Mazorodze padyo nekambani yeNatprint.

Muporofita uyu anoshandira vanhu ava vakashama zvisinei kuti varume here kana kuti vakadzi.

Kwayedza yakaenda ikanosora panjanji iyi iri kumadokero kwemugwagwa waSimon Mazorodze ikazvionera pamhuno sefodya vanhu vachishandirwa vakashama.

Madzimai Aqueline Maria Tetena (59) havana kuramba nyaya yekuti vanobatsira vanhu vakashama vachiti vanoita zvinenge zvarehwa “nemweya”.

“Varume vanobvisa mbatya dzekumusoro chete asi madzimai vanobvisa dzose nedzemukati vosungirira mazambia.

Hapana zvandingaite nekuti handina kwekushandira, panoponera vanhu vakawanda pano mufunge,” vakaudza vatori venhau.

Pavakasvikirwa neKwayedza svondo rapera panzvimbo iyi paiva nemadzimai matatu aibatsirwa, apo vaviri vavo vakatanga kupfeka mbatya vaona vatori venhau vachisvika pavari.
     Vonamatirwa vari musvo
Paiva nemadzimai aya pakanga pane makadhibhokisi pasi pakazara sauti inonzi ndiyo inoshandiswa nemuporofita uyu.

Muporofita uyu, uyo anogara panhamba 35 muna Zata kuMbare, akati haakwanise kushandira vanhu kumba kwake nekuti anotandaniswa nemwanakomana wake nemuroora.

Madzimai Maria, avo vanobva kwaTandi, kwaRusape, vanoti vakabatwa nemweya wehun’anga vaine makore gumi okuberekwa ndokuzosiya zvekushopera nekufamba kwenguva vave kunamata.

“Ichokwadi ndinoshandira vanhu munjanji umu nekuti muroora wangu nemwana havadi kuti ndibatsirire vanhu kumba, vanondidzinga. Ndaimbova n’anga kare ndokuzotanga zvechiporofita izvi makore 20 akadarika,” vakadaro Madzimai Maria.

“Ndakatumwa kuti ndinunure vanhu kubva muminyama yakasiyana, hurwere nezvimwe izvo ndiri kuita vanhu vachipona. Ndinonamatira munhu panhare achipona ari mhiri kwemakungwa,” vakadaro.

Vakabvuma kuti vanobatsira vanhu vakashama sezvo vachizorwa munyu, maremani nekudirwa mvura muviri wose.

“Vamwe vanonyara asi vanozonditsvaga usiku vachida kubatsirwa uye kune vazhinji vanotenda vane makambani anenge abhuroka, kusaroorwa, kushandiswa nevamwe nezvimwe zvakawanda,” vakadaro.


Vanoti kumba kwavari kudzingwa yaiva imba yatete vavo vakashaya yavakasiirwa vakazoiisa muzita remwana wavo mukomana uyo pamwe chete nemudzimai wake vave kuvadzinga.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura nemwanakomana wemuporofita uyu uyo anonzi ari kushungurudza amai vake,

Kudakwashe Matope, pamwe chete nemudzimai wake, Alice Matope.

Apo vakaudzwa kuti nyaya yekubvisisa vanhu hembe imhosva, Madzimai Maria vakati hapana zvavangaite nekuti ndiwo mashandiro avo.

“Zvino vanhu vacho ndingavakweshe nesauti kana kuvazora malemon vaine mbatya here? Hazvikwanisike,” vakadaro.

Vanoti zano rekuti vazoshandira panjanji apa vakaripihwa nemumwe mudzimai wavakabatsira mubhindauko rake rekutengesa iro raisafamba zvakanaka.

“Mudzimai akanditi ndiuye kuzoshandira apa anonzi Madzimai Sarudzai (Mutandadzi), aitambura zvikuru asi izvo ndamushandira zvinhu zvake zvave kutengwa haikona zvekutamba,” vakadaro.

Vanoti pakubatsira vanhu vanoshandisa zvinosanganisira munyu, maremani, mazai, matombo nemvura.

Zvakadaro, Madzimai Mutandadzi (48), avo vanotengesera zvinhu zvavo pedyo nenzvimbo iyi, vakabvuma kuti vakabatsirwa nemuporofita uyu zvikaita kuti bhizimusi ravo ribudirire.

“Ndaona dambudziko ravo amai ava apo vaiuya pandinotengesera vachiporofita vanhu, ndakazovapa zano rekushandira zvavo munjanji umu. Ini vakandibatsira, zvinhu zvangu zvinotengwa haikona zvekutamba,” vakadaro.

Mai Mirriam Masokovere (47) vekuNational kuMbare vakatenda muporofita uyu vachiti akavabastira zvikuru.

“Ndakapedza zvipatara ndichinzi ndine cancer, ndakauya pano neSvondo ndokukweshwa nesauti iyi nekuzorwa malemon vachinamata nekuitwa zvimwe ropa rakabva ramira iri. Zvekubviswa mbatya hazvina basa iwe munhu uchipona,” vakadaro Mai Masokovere.

Amai vavo, Mbuya Magarate Jojo, vanoti vanotaura zvakaipa pamusoro paMadzimai Maria igodo chete.

“Mbatya tinobvisa toga nekuti haukwanise kuzorwa malemon nekukwizwa nesauti wakapfeka, kana ipo paunokwizwa unozozunza sauti iyi kuti uwane mapfekero nemafambiro,” vakadaro Mbuya Jojo.

Mai Martina Marandu (43), avo vakawanikwa vari panjanji apa vakamirira kubatsirwa, vakati vakange vauya zvichitevera mbiri yavakanzwa yemudzimai uyu.

“Ndiri kurwara ndakatomirira kubatsirwa uye ndakaunzwa kuno nemukoma wangu, Sarudzai. Kumusha kwedu ndekwaChirumhanzu asi iye zvino ndinogara kuNational, kuMbare,” vakadaro Mai Marandu.

Zvakadaro, VaGeorge Kandiyero, avo vakafanobata chigaro chemukuru wesangano reZinatha, vanoti murapi anofanirwa kuitira basa rake pakavandika kwete kubvisisa vanhu mbatya pamhene.


Welcome To Oudney Patsika's Blog: Getting Your Message Heard in a Noisy World: In today’s media-driven, distracted culture, your message must be amplified to reach a larger audience.

Contact Us through the Chat with WhatsApp widget below.
Previous Post Next Post
avatar
Oudney Patsika Online
One of the primary goals of Oudney Patsika is to use media to change the cultural narrative. He aims to impact today’s culture with more accurate, responsible, and positive media stories about Christianity and the Church. Get In Touch Today!
WhatsApp Chat