Madzimai Maviri Anonzi Varoyi Anoonekwa kuBudiriro Ari Musvo?

WASHINGTON DC— Vanhu vemumusha weBudiriro 2 vakaona chisionekwi mambakwedza eChipiri apo madzimai maviri vakawanikwa vari paruvanze miviri yekumusoro isina zvipfeko, kunyange hazvo vamwe vachiti vakanga vasina chavakapfeka.

Zvinonzi mumusha uyu makaita chipatapata vanhu vachida kunona madzimai maviri anonzi akabva kuGokwe Nembudziya, ayo akazosungwa nemapurisa achipomerwa mhosva yekuita zvehuroyi.

Madzimai aya, Chipo Chakaja natete vake Maria Moyo, anonzi akawanikwa aine zvinhu zvinofungidzirwa kuti zvinoshandiswa mukuroya zvinosanganisira zizi nemishonga izvo zvinonzi zvaive murusero rwavaive narwo.

Zvinonzi madzimai aya akawanikwa ari muchivanze chemusha waVaChris Tongai, izvo zvakaita kuti veruzhinji vavanange huroyi.

Mutauriri wemapurisa, Amai Charity Charamba, vanoti ichokwadi kuti izvi zvakaitika uye vanhu ava vainge vaendeswa kudare redzimhosva vachipomerwa mhosva yekuita zvehuroyi.

Asi vaviri ava vanonzi vari kuramba mhosva yehuroyi iyi vachiti havana ruzivo kuti vakasvika sei muHarare.
Madzimai Maviri Anonzi Varoyi Anoonekwa kuBudiriro Ari Musvo?
Mutongi wedare ramejastiriti kuMbare, VaReuben Makavhi, akati chiremba wepfungwa aongorore vaviri ava asi vanofanira kuti vagare mutirongo kusvika musi wa26 Gunyana pavachamiswa zvakare pamberi pedare iri.

Nhengo yeZINATHA, Sekuru Peter Mutandi Sibanda, vanotiwo madzimai aya varoyi chaivo uye vanofanirwa kuchenurwa naIshe wavo, kwete kumatare.

Imwe nhengo yechechi yepositori yeJohanne Wenguwo Tsvuku, Madzibaba Pejineki, vanotiwo chiitiko ichi chinoratidza simba rengirozi idzo vanoti dzakapenyera varoyi ava kusvika vadonhera pavakazowanikwa vari apa.

Madzibaba Pejineki vanoti dai vezvitendero vakapiwa mukana wekuti vashandire madzimai aya kuitira kubvisa mweya yakaipa yavanoti iri kuvatevera.


Hurukuro naSekuru Peter Sibanda pamwe naMadzibaba Pejinek

Asi mumwe chiremba anoongorora pfungwa, Doctor Sekai Nhiwatiwa, vanoti madzimai aya anogona kunge achirwara nezvirwere zvakakonzera kuti vaite zvavakaita izvi.

Vanoti kana vanhu vakadai vakaendeswa kumakiriniki avo vanovaongorora zvakadzama vasati vapa zvavanenge vawana izvi kumatare edzimhosva, vakatiwo vamwe vevanhu vavanoona ava vanotozobvako vave kunzwa zviri nani.


Welcome To Oudney Patsika's Blog: Getting Your Message Heard in a Noisy World: In today’s media-driven, distracted culture, your message must be amplified to reach a larger audience.

Contact Us through the Chat with WhatsApp widget below.
Previous Post Next Post
avatar
Oudney Patsika Online
One of the primary goals of Oudney Patsika is to use media to change the cultural narrative. He aims to impact today’s culture with more accurate, responsible, and positive media stories about Christianity and the Church. Get In Touch Today!
WhatsApp Chat