DJ ngochani ari kurura

KUNE murume ngochani anoshanda sa “disc jockey” (DJ), uyo anonzi arura nekubata varume chibharo kunzvimbo dzakakomberedza Murambinda, kuBuhera, zvekuti vanhurume veko vatove kugara vakabatira hana mumawoko nekutya.

Mapurisa anotsinhira hunyn’anyn’a hwengochani iyi vachiti vari kutsvaga nemeso matsvuku Panganai Tangwena (32), uyo anopinda chechi yeJohane Masowe, achibva mumusha waSabhuku Tangwena, kwaShe Makumbe. Vanoti vari kumuda nemhosva dzinodarika ina dzaari kupomerwa, dzose dziri dzekubata varume chibharo kana kuti chingochani nechisimba.

Tangwena anonzi ari kupota achihwandira vanhurume mumigwagwa panguva dzemasikati kana husiku, vamwe achivabata pavanenge vachigeza munzizi.

Mumwe wevari kuziva nezvenyaya yengochani iyi asi asina kuda kudurwa nezita anoti varume vemunzvimbo iyi havasisina rugare nekutya kubhinywa naTangwena, uye kune vamwe vatove kufamba vari muzvikwata.

“Kuno kwaipa, varume havasisina mufaro sezvo vari kubatwa nemurume anova DJ ane mbiri uyu. Kudoro chaiko, ringava rekubhawa kana rematanda, vava kudzokako kunze kuri kuchena vari muzvikwata zvevarume vanodarika vana kana vashanu nekuti nhubu iyi inonzi ine simba rinotyisa. Murume akangofamba oga anobatwa obvumburudzwa pamadiro,” Kwayedza yakaudzwa. Tangwena anonzi kana ave kuda kunoita mabasa ake anopfeka marokwe marefu, zvikuru machena, zvekuti varume vaanosangana navo vanofunga kuti munhukadzi.
DJ ngochani ari kurura
Vanozongoerekana vapingwa vobatwa chibharo.

“Murume uyu akabvira kare kupara mhosva dzakadai idzi, haadi vakadzi asi anoda varume chete. Aimboshanda mune rimwe bhawa kuno ari DJ akabuda basa apara mhosva yakadai,” akadaro nyakuziva nezvenyaya iyi uyu.

Mhosva dzemurume uyu dzakamhan’arwa kumapurisa pakamba yeMurambinda dzinokwana ina, dzose dziri dzekubata vamwe varume chibharo, idzo dzinonzi muchirungu Agravated Indecent Assault uye dzimwe dzacho dzine nhamba dzinoti CR-53/02/13 neCR-7/09/14. Tangwena anonzi zvakare ane mhosva dzekuba dzaari kutsvagirwa nemapurisa.

Kwayedza yakakwanisa kutaura nemumwe wevanonzi vakabatwa chibharo naTangwena, zita tinaro, uyo ane makore 18 okuzvarwa uye achigara mubhuku rekwaTangwena.

Mukomana uyu haana kunyara kudura kuti akabatwa chingochani. Akaratidza vatori venhau mbonje dzemaronda aakarumwa naTangwena apo vairwisana. Anoti haana kumbobvira akaona munhu anorwisa sezvaakaitwa paakabatwa chingochani apa. “Ndakabatwa nemusi weSvondo wakadarika nguva dzingaite kuma1 masikati apo ndaiwacha murwizi Mwerahari ndiri ndoga. Ini semunhu aisamuziva, akasvika pandiri ndokundishevedza achiti aiva abva kuChipinge marimwezuro, ndokuti aiva apererwa nemari. Akati aiva nenzara uye aitsvagawo mari kana zvimwe zvingamubatsire,” akadaro mukomana wechidiki uyu. Anoti apo vaitaura vose ari padyo naye, Tangwena akazonongedzera achiita seabvunza nyaya yemombe dzaidarika zvisinei kuti pakanga pasina mombe dzacho.


“Pandakacheuka achiti ko aiva nemombe idzo ndiyani, akabva andibata nechisimba nekumashure ndokuburitsa banga achiti anoda kundiita mukadzi ini ndikaramba. Akazonongedzera banga iri pachipfuva tichirwisana chete apo aindiruma musana nepachipfuva, padumbu nepazamu ini ndichiramba.

“Semunhu ndakanga ndisina kupfeka pant, akazopinza mawoko ake mukati mechikabudura ndokudzvanya-dzvanya nhengo dzangu dzakavandika nekudzisvina kudzimara ndaona nyenyedzi nekurwadziwa ndokupera simba.

Akazondikumura bhurukwa ndichibva ndarara pasi nedumbu achibva andiita zvinorova ipapo nekumashure,” akadaro achida kuchema.

Mukomana uyu anoti panguva iyi akaedza kushevedzera achibva adzipwa pahuro ndokutadza kutaura uye akakuvadzwa apo airumwa zvakaita kuti asare aine mavanga emazino.

“Apo Tangwena aiva mubishi neni nekumashure, asati apedza, pakazosvika Rain Tasara uyo akamuvhundutsira achimuti iwe Panganai uri kuitei nemwana, haunyare? Akabva asvetuka pamusoro pangu ndokutizira mubako raiva padyo ndokunohwanda akazotiza apedza kupfeka bhurugwa,” akadaro.

Mukomana uyu anoti akazomhanya kunotaura kumba nezvetsekwende iyi ndokuzodarikira kumapurisa ayo akazomuendesa kuchipatara cheMurambinda uko akanoongororwa nanachiremba akarapwa.

“Ndakarwadziwa zvikuru nanhasi hazvisati zvapera handinyatsokwanisa kufamba nekurwadziwa,” akadaro. Mukomana uyu, uyo anova mushandi pamba paanogara, anoti Tangwena anonzi ari kuonekwa achigara kurwizi rwaMwerahari nemusango sezvo ari kutiza mapurisa.

Mumwewo muzvinabhizimisi wemunzvimbo iyi anovawo mudzidzisi wemumusha waTangwena, zita tinaro (VaJohn Mtetwa (44), anonzi akapona neburi retsono apo akabatwa usiku nemurume uyu achinzi aiti aida mari kwaari.

Muzvinabhizimusi uyu anonzi akanzi naTangwena adzokere naye kuchitoro kuti anomupa mari apo akazomubata nechisimba akamuwidzira murwizi zvinova zvakamuponesa ndokuzotiza iye akasara mudziva.

Zvakadaro, Elias Machaka (20), anogara mumusha uyu, anoti varume vose havasisina mufaro nekuda kwengochani iyi.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Inspector Enock Chishiri, vakatsinhira nyaya yemurume uyu vachiti ari kutsvagwa nemapurisa nemeso matsvuku.

Mitemo yemuZimbabwe haitenderi kuti murume femere mumwe murume achimuita mudzimai kana kuti mukadzi aite mumwe mukadzi mudzimai.


Welcome To Oudney Patsika's Blog: Getting Your Message Heard in a Noisy World: In today’s media-driven, distracted culture, your message must be amplified to reach a larger audience.

Contact Us through the Chat with WhatsApp widget below.
Previous Post Next Post
avatar
Oudney Patsika Online
One of the primary goals of Oudney Patsika is to use media to change the cultural narrative. He aims to impact today’s culture with more accurate, responsible, and positive media stories about Christianity and the Church. Get In Touch Today!
WhatsApp Chat